Mapisarema 33:13-15
Mapisarema 33:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha anotarira pasi ari kudenga uye anoona marudzi ose avanhu; ari pachigaro chake anotarira vose vagere panyika, iye anoumba mwoyo yavanhu vose, anofungisisa zvose zvavanoita.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mapisarema 33Mapisarema 33:13-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha anotarira ari kudenga; Anoona vanakomana vose vavanhu; Anotarira ari ipapo paagere Achiona vanhu vose vagere panyika. Iye anoumba mwoyo yavo vose, Anocherekedza mabasa avo ose
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mapisarema 33Mapisarema 33:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
TENZI anotarisa pasi ari mudenga anoona vanhu vose. Kubva pachigaro chake chokutonga anotarisa vagari vose vapanyika. Iye anopa munhu nomunhu mwoyo waanawo, anoziva zvose zvavanoita.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mapisarema 33Mapisarema 33:13-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova unotarira ari kuɗeŋga; Unoʋona ʋanakomana ʋose ʋaʋanhu; Unotarira ari ipapo paagere Aciʋona ʋanhu ʋose ʋagere panyika. Iye unoʋumba mŋoyo yaʋo ʋose, Unocerekedza maɓasa aʋo ose.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mapisarema 33