Mapisarema 30:1-12
Mapisarema 30:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndichakukudzai imi Jehovha, nokuti makandisimudza kubva pakadzika, uye hamuna kutendera vavengi vangu kuti vafare pamusoro pangu. Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakachemera rubatsiro kwamuri uye mukandiporesa. Haiwa Jehovha, makandibudisa muguva; mukandirwira kuti ndirege kupinda mugomba. Imbirai Jehovha, imi vatsvene vake; rumbidzai zita rake dzvene. Nokuti kutsamwa kwake ndokwenguva duku, asi nyasha dzake ndedzoupenyu hwose; kuchema kungangovapo usiku. Asi mufaro unouya mangwanani. Pandakanzwa kugadzikana, ndakati, “Handingatongozungunuswi.” Haiwa Jehovha, pamakandinzwira tsitsi, makaita kuti gomo rangu rimire rakasimba; asi pamakavanza chiso chenyu, ini ndakavhunduka. Ndakadana kwamuri, imi Jehovha; ndakachemera nyasha kuna Jehovha ndichiti, “Chiiko chinowanikwa pakuparadzwa kwangu, napakupinda kwangu mugomba? Ko, guruva richakurumbidzai here? Richaparidza kutendeka kwenyu here? Inzwai, imi Jehovha, mundinzwire ngoni; imi Jehovha, ivai mubatsiri wangu.” Imi makashandura kuungudza kwangu kukava kutamba; makabvisa nguo dzangu dzamasaga mukandishongedza nomufaro, kuti mwoyo wangu ukuimbirei ugorega kunyarara. Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nokusingaperi.
Mapisarema 30:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndichakukudzai zvikuru, Jehovha; nokuti makandisimudza, Hamuna kutendera vavengi vangu kufara nokuda kwangu. Jehovha, Mwari wangu, Ndakachema kwamuri, imi mukandiponesa. Jehovha, makabudisa mweya wangu paSheori; Makachengeta upenyu hwangu, kuti ndirege kuburukira kugomba. Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza, imi vatsvene vake, Muvonge kana muchirangarira zita rake dzvene. Nokuti kutsamwa kwake kuripo chinguva chiduku; Asi ngoni dzake ndedzoupenyu hwose. Kuchema kungavapo madekwana, Asi mufaro unosvika mangwanani. Kana ndirini, ndakati pakufara kwangu, “Handingatongozununguswi.” Imi Jehovha, nengoni dzenyu makamisa gomo rangu nesimba; Makavanza chiso chenyu; ini ndikatambudzika. Ndakachema kwamuri, Jehovha; Uye ndakakumbira kuna Jehovha; “Ropa rangu ringandibatsireiko, kana ndichaburukira kugomba? Guruva ringakurumbidzai here? Ringadudzira zvokwadi yenyu here? Inzwai Jehovha, mundinzwirei tsitsi; Jehovha, ivai mubatsiri wangu.” Makashandura kuchema kwangu kukava kutamba; Makasunungura gumbo rangu, mukasunga chiuno changu nomufaro; Kuti mweya wangu ukuimbirei nziyo dzokurumbidza, urege kunyarara. Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nokusingaperi.
Mapisarema 30:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinokurumbidzai TENZI nokuti makandinyurura uye nokuti hamuna kurega vavengi vangu vachindidadira. TENZI, Mwari wangu ndakachema kwamuri kuti mundibatsire imi mukandirapa. Imi TENZI makaburitsa mweya wangu munzvimbo yavakafa, makandidzorera upenyu pakati pavakanga vaenda mugomba. Imbai muchirumbidza TENZI imi vakarurama vake. Tendai zita rake rinoera. Nokuti hasha dzake ndedzekanguvana; asi mwoyochena wake ndehweupenyu hwose. Kuchema kunombouya usiku; asi rufaro runouya namangwanani. Asi ini, pandainge ndichiri kubudirira, ndaizviti, “Hapana chinondizunguza.” Nomwoyochena wenyu TENZI, makandimisa kuita gomo chairo kusimba, makazongoti uso hwenyu vanzei, ndakabva ndabatwa nokutya Ndakachema kwamuri TENZI. Ndakanamata kwamuri TENZI. “Kudeuka kweropa rangu kunowaniseiko kana kudzika kwangu mugomba uye kupinda kwangu mugomba? Huruva ingakurumbidzei here? Ingataure nezvekutendeseka kwenyu here? Teererai TENZI mundinzwirewo ngoni TENZI ndibatsireiwo.” Makasandura kuungudza kwangu kukava kutamba. Makanditakanura saga mukandipfekedza rufaro kuitira kuti ndikuimbirei ndichirumbidza mbiri yenyu ndirege kunyarara TENZI Mwari wangu ndinokutendai nokusingaperi.
Mapisarema 30:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndicakukudzai ɀikuru, Jehova; nokuti makandisimudza, Hamuna‐kutendera ʋaʋeŋgi ʋaŋgu kufara nokuɗa kwaŋgu. Jehova, Mŋari waŋgu, Ndakacema kwamuri, imi mukandiporesa. Jehova, makaɓuɗisa mŋeya waŋgu paSheori; Makaceŋgeta ʋupenyu bgaŋgu, kuti ndirege kuɓurukira kugomba. Imbirai Jehova nziyo dzokurumbidza, imi ʋatȿene ʋake, Muʋoŋge kana muciraŋgarira zita rake dɀene. Nokuti kutsamŋa kwake kuri’po ciŋguʋa ciɗuku; Asi ŋgoni dzake ndedzoʋupenyu bgose. Kucema kuŋgaʋa’po maɗekwana, Asi mufaro unoȿika maŋgwanani. Kana ndiri’ni, ndakati pakufara kwaŋgu: Handiŋgatoŋgozunuŋguswi. Imi Jehova, neŋgoni dzenyu makamisa gomo raŋgu nesimba; Makaʋanza ciso cenyu; ini ndikatambudzika. Ndakacema kwamuri, Jehova; Ʋuye ndakakumbira kunaJehova; Ropa raŋgu riŋgandiɓatsireiko, kana ndiciɓurukira kugomba? Guruʋa riŋgakurumbidzai here? Riŋgaɗudzira ɀokwaɗi yenyu here? Inzwai Jehova, mundinzwirei tsitsi; Jehova, iʋai muɓatsiri waŋgu. Makashandura kucema kwaŋgu kukaʋa kutamba; Makasunuŋgura gumbu raŋgu, mukasuŋga ciʋuno caŋgu nomufaro; Kuti mŋeya waŋgu ukuimbirei nziyo dzokurumbidza, urege kunyarara. Jehova Mŋari waŋgu, ndicakuʋoŋgai nokusiŋgaperi.
Mapisarema 30:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)