Mapisarema 27:11-14 - Compare All Versions
Mapisarema 27:11-14 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndidzidzisei nzira yenyu, imi Jehovha; ndisesedzei munzira yakarurama nokuda kwavamanikidzi vangu. Regai kundisundira kuzvido zvavavengi vangu, nokuti zvapupu zvenhema zvinondimukira, vachifemedzeka nehasha. Ndichine chokwadi neizvi zvokuti: ndichaona kunaka kwaJehovha munyika yavapenyu. Rindira Jehovha; iva nesimba, utsunge mwoyo ugomirira Jehovha.
Mapisarema 27:11-14 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndidzidzisei nzira yenyu Jehovha; Mundifambise panzira yakati chechetere, Nokuda kwavanondivandira. Musandisundira pakuda kwavadzivisi vangu; Nokuti zvapupu zvenhema zvakandimukira, navanofemereka hasha. Ndingadai ndakafa hangu, kana ndisina kutenda kuti ndichaona kunaka kwaJehovha. Panyika yavapenyu. Rindira Jehovha; Iva nesimba, nomwoyo wako utsunge; Ndinoti, rindira Jehovha.
Mapisarema 27:11-14 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ndidzidzisei nzira yenyu Jehova; Mundifambise panzira yakati cecetere, Nokuɗa kwaʋanondiʋandira. Musandisundira pakuɗa kwaʋadziʋisi ʋaŋgu; Nokuti ɀapupu ɀenhema ɀakandimukira, naʋanofemereka hasha. Ndiŋgaɗai ndakafa haŋgu, kana ndisina‐kutenda kuti ndicaʋona kunaka kwaJehova Panyika yaʋapenyu. Rindira Jehova; Iʋa nesimba, nomŋoyo wako utsuŋge; Ndinoti, rindira Jehova.
Mapisarema 27:11-14 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
TENZI ndiratidzei nzira yenyu munditungamirire mugwara rakati tasa pamusana pavavengi vangu. Musandiise mumaoko avavengi vangu nokuti zvapupu zvenhema zvandimukira uye vanofemereka nehasha. Ndinovimba kuti ndichaona kunaka kwaTENZI munyika yavapenyu. Tarisira muna TENZI, simba ushinge mwoyo. Tarisira muna TENZI.
Mapisarema 27:11-14 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
TENZI ndiratidzei nzira yenyu munditungamirire mugwara rakati tasa pamusana pavavengi vangu. Musandiise mumaoko avavengi vangu nokuti zvapupu zvenhema zvandimukira uye vanofemereka nehasha. Ndinovimba kuti ndichaona kunaka kwaTENZI munyika yavapenyu. Tarisira muna TENZI, simba ushinge mwoyo. Tarisira muna TENZI.