Mapisarema 26:1-3
Mapisarema 26:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nditongerei, imi Jehovha, nokuti ndakararama upenyu husina chahungapomerwa; ndakavimba naJehovha ndisingazungunuki. Ndiedzei, imi Jehovha, ndinzverei, nzverai mwoyo wangu nendangariro dzangu; nokuti rudo rwenyu rwuri pamberi pangu nguva dzose, uye ndinogara ndichifamba muzvokwadi yenyu.
Mapisarema 26:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nditongerei Jehovha, nokuti ndakafamba nokusanyengera kwangu; Ndakavimbawo naJehovha ndisinganyunyuti. Ndinzverei Jehovha, ndiidzei, Natsai itsvo dzangu nomwoyo wangu. Nokuti unyoro hwenyu huri pamberi pameso angu, Ndakafamba muzvokwadi yenyu.
Mapisarema 26:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
TENZI ratidzai kuti handina mhosva nokuti ndakafamba muchokwadi uye ndakavimba nemi TENZI ndisingazunguziki Ndivhenekei TENZI mundiedze munyatsopenengura pfungwa dzangu nemwoyo wangu. Nokuti mwoyochena wenyu ndinogara ndichiuona uye ndinofamba ndakatendeka kwamuri.
Mapisarema 26:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nditoŋgerei Jehova, nokuti ndakafamba nokusanyeŋgera kwaŋgu; Ndakaʋimba ʋo naJehova ndisiŋganyunyuti. Ndinɀerei Jehova, ndiidzei, Natsai itȿo dzaŋgu nomŋoyo waŋgu. Nokuti ʋunyoro bgenyu ʋuri pamberi pameso aŋgu, Ndakafamba muɀokwaɗi yenyu.
Mapisarema 26:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)