Mapisarema 25:14-18
Mapisarema 25:14-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha anogara pakati pavanomutya; anozivisa sungano yake kwavari. Meso angu anoramba achitarira kuna Jehovha, nokuti ndiye chete anosunungura tsoka dzangu pamusungo. Dzokerai kwandiri uye mundinzwire nyasha, nokuti ndiri ndoga uye ndinotambudzika. Matambudziko omwoyo wangu awanda; ndisunungurei pakurwadziwa kwangu. Tarirai kutambudzika kwangu nenhamo yangu, mugobvisa zvivi zvangu zvose.
Mapisarema 25:14-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvakavanzwa zvaJehovha ndezvavanomutya; Achavaratidza sungano yake. Meso angu anoramba achitarira kuna Jehovha; Nokuti anobvisa tsoka dzangu pamumbure. Ringirai kwandiri, mundinzwire nyasha; Nokuti ndiri ndoga, ndinotambudzika. Madambudziko omwoyo wangu awanda kwazvo; Haiwa, ndibudisei panjodzi dzangu. Tarirai kutambudzika kwangu nokurwadziwa kwangu; Mundikanganwire zvivi zvangu zvose.
Mapisarema 25:14-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ushamwari naTENZI ndehwevanomutya uye anovazivisa chitenderano chake. Meso angu anogara akatarisa kuna TENZI nokuti ndiye anotakanura makumbo angu mumambure. Ndicheukeiwo mundinzwire tsitsi nokuti ndiri ndoga uye ndinorwadziwa. Ndisunungureiwo kunhamo dziri mumwoyo mangu; ndinyurureiwo mukushushikana kwangu. Tarisai kutambudzika kwangu nokunetsekana kwangu mundiregererewo zvitadzo zvangu.
Mapisarema 25:14-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀakaʋanzwa ɀaJehova ndeɀaʋanomutya; Ucaʋaratidza suŋgano yake. Meso aŋgu anoramba acitarira kunaJehova; Nokuti unobvisa tsoka dzaŋgu pamumbure. Riŋgirai kwandiri, mundinzwire nyasha; Nokuti ndiri ndoga, ndinotambudzika. Maɗambudziko omŋoyo waŋgu awanda kwaɀo; Haiwa, ndiɓuɗisei panjodzi dzaŋgu. Tarirai kutambudzika kwaŋgu nokurwadziwa kwaŋgu; Mundikaŋganwire ɀiʋi ɀaŋgu ɀose.
Mapisarema 25:14-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)