Mapisarema 24:3-5
Mapisarema 24:3-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndiani angakwira mugomo raJehovha? Ndiani ungamira panzvimbo yake tsvene? Uyo anamaoko akachena, nomwoyo wakanaka kwazvo; Asingasimudziri mwoyo wake kune zvisina maturo, Neasina kupika nhema. Iye achapiwa mukomborero naJehovha, Nokururamiswa naMwari muponesi wake.
Mapisarema 24:3-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndianiko angakwira pachikomo chaJehovha? Ndianiko angamira panzvimbo yake tsvene? Uyo ana maoko akachena nomwoyo wakanaka, asingasimudziri mwoyo wake kuzvifananidzo, kana kupika nhema. Iye achagamuchira makomborero anobva kuna Jehovha nokururamiswa kunobva kuna Mwari woruponeso rwake.
Mapisarema 24:3-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndiani angakwira mugomo raJehovha? Ndiani ungamira panzvimbo yake tsvene? Uyo anamaoko akachena, nomwoyo wakanaka kwazvo; Asingasimudziri mwoyo wake kune zvisina maturo, Neasina kupika nhema. Iye achapiwa mukomborero naJehovha, Nokururamiswa naMwari muponesi wake.
Mapisarema 24:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndiani angakwire mugomo raTENZI? Ndiani angamire munzvimbo yake inoera? Munhu ana maoko akachena nomwoyo wakachena. Munhu asina kupika neni nhando kana kupika nhema. Achawana chikomborero chinobva kuna TENZI achanzi munhu akarurama naMwari mununuri wake.
Mapisarema 24:3-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndiani uŋgakwira mugomo raJehova? Ndiani uŋgamira panɀimbo yake tȿene? Uyo unamaʋoko akacena, nomŋoyo wakanaka kwaɀo; Usiŋgasimudziri mŋoyo wake kuneɀisinamaturo, Nousina‐kupika nhema. Iye ucapiwa mukomborero naJehova, Nokururamiswa naMŋari muponesi wake.
Mapisarema 24:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)