Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 22:1-4 - Compare All Versions

Mapisarema 22:1-4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko? Sei muri kure zvakadai nokundiponesa, kure zvakadai namashoko okugomera kwangu? Haiwa Mwari wangu, ndinodanidzira masikati, asi hamundipinduri, nousiku, uye handinyarari. Asi imi makagadzwa saIye Mutsvene; ndimi rumbidzo yaIsraeri. Madzibaba edu akavimba nemi; vakavimba, uye mukavarwira.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 22 BDSC

Mapisarema 22:1-4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko? Munomirireiko kure pakundibatsira, napamashoko okugomba kwangu? Mwari wangu, ndinodana masikati, asi hamupinduri; Nousiku, asi handiwani zororo. Asi imi muri mutsvene, Imi mugere parumbidzo dzaIsiraeri. Madzibaba edu akavimba nemi; Vakavimba, imi mukavarwira.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 22 SNA2002

Mapisarema 22:1-4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mwari wangu, Mwari wangu mandisiireiko; muri kure kure seiko pakundibatsira uye kumazwi okugomera kwangu. Mwari wangu, ndinochema masikati asi hamupinduri uye nousiku asi handiwani zororo asi imi muri mutsvene, pakurumbidzwa, ndimi makagadzwa umambo chaihwo muIsiraeri. Madzibaba edu akavimba nemi, vakavimba, imi mukavanunura.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 22 SCLBD

Mapisarema 22:1-4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Mŋari waŋgu, Mŋari waŋgu, mandisiyireiko? Munomirireiko kure pakundiɓatsira, napamashoko okugomba kwaŋgu? Mŋari waŋgu, ndinoɗana masikati, asi hamupinduri; Noʋusiku, asi handiwani zororo. Asi imi muri mutȿene, Imi mugere parumbidzo dzaIsraeri. Madziɓaɓa eɗu akaʋimba nemi; Ʋakaʋimba, imi mukaʋarwira.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 22 SUB1949

Mapisarema 22:1-4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mwari wangu, Mwari wangu mandisiireiko; muri kure kure seiko pakundibatsira uye kumazwi okugomera kwangu. Mwari wangu, ndinochema masikati asi hamupinduri uye nousiku asi handiwani zororo asi imi muri mutsvene, pakurumbidzwa, ndimi makagadzwa umambo chaihwo muIsiraeri. Madzibaba edu akavimba nemi, vakavimba, imi mukavanunura.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 22 SCLB