Mapisarema 22:1-11
Mapisarema 22:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko? Sei muri kure zvakadai nokundiponesa, kure zvakadai namashoko okugomera kwangu? Haiwa Mwari wangu, ndinodanidzira masikati, asi hamundipinduri, nousiku, uye handinyarari. Asi imi makagadzwa saIye Mutsvene; ndimi rumbidzo yaIsraeri. Madzibaba edu akavimba nemi; vakavimba, uye mukavarwira. Vakachema kwamuri, vakaponeswa; vakavimba nemi uye havana kunyadziswa. Asi ini ndiri honye kwete munhu, ndinozvidzwa navanhu uye ndinoshorwa namarudzi. Vose vanondiona vanondiseka; vanoshamisa miromo yavo vachindituka, vachidzungudza misoro yavo vachiti, “Anovimba naJehovha; Jehovha ngaamununure. Ngaamuponese, sezvo achimufarira.” Asi ndimi makandibudisa mudumbu; mukaita kuti ndivimbe nemi ndichiri pachipfuva chamai vangu. Kubva pakuzvarwa kwangu, ndakaiswa kwamuri; kubva mudumbu ramai vangu, makanga muchingova Mwari wangu. Regai kuva kure neni, nokuti dambudziko riri pedyo uye hakuna angabatsira.
Mapisarema 22:1-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko? Munomirireiko kure pakundibatsira, napamashoko okugomba kwangu? Mwari wangu, ndinodana masikati, asi hamupinduri; Nousiku, asi handiwani zororo. Asi imi muri mutsvene, Imi mugere parumbidzo dzaIsiraeri. Madzibaba edu akavimba nemi; Vakavimba, imi mukavarwira. Vakachema kwamuri, vakarwirwa; Vakavimba nemi, vakasanyadziswa. Asi ini ndiri honye, handizi munhu; Ndiri chinhu chinozvidzwa navanhu, chinoshorwa navanhu vose. Vose, vanondiona vanondiseka; Vanoshamisa muromo, vanodzungudza misoro, vachiti, “Chizviisai kuna Jehovha; iye ngaamurwire; Ngamurwire, zvaanomufarira iye.” Asi ndimi makandibudisa pachizvaro; Makandivimbisa nemi ndichiri pamazamu amai vangu. Ndakaiswa kwamuri kubva pachizvaro; Imi muri Mwari wangu kubva padumbu ramai vangu. Regai kuva kure neni; nokuti njodzi iri pedyo; Nokuti hapana angabatsira.
Mapisarema 22:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari wangu, Mwari wangu mandisiireiko; muri kure kure seiko pakundibatsira uye kumazwi okugomera kwangu. Mwari wangu, ndinochema masikati asi hamupinduri uye nousiku asi handiwani zororo asi imi muri mutsvene, pakurumbidzwa, ndimi makagadzwa umambo chaihwo muIsiraeri. Madzibaba edu akavimba nemi, vakavimba, imi mukavanunura. Vakachema kwamuri vakanunurwa vakavimba nemi vakasanyadziswa. Asi ini ndiri honye, handisi munhu ndinoshorwa navanhu, ndinozvidzwa navanhu. Vose vanondiona vanondisveeredza, vanondimonyera muromo vachizunguza musoro. “Akazviturira kuna TENZI, ko ngaachimuponesa, ngaachimununuraka nokuti anomuda.” Asi imi ndimi makandiburitsa munhumbu mukandichengeta zvakanaka pandaiyamwa. Ndakapirwa kwamuri kubvira pakuberekwa kwangu. Kubvira pandakaberekwa naamai vangu ndimi manga muri Mwari wangu. Musave kure neni nokuti nhamo iri padyo uye hapana wokundibatsira.
Mapisarema 22:1-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋari waŋgu, Mŋari waŋgu, mandisiyireiko? Munomirireiko kure pakundiɓatsira, napamashoko okugomba kwaŋgu? Mŋari waŋgu, ndinoɗana masikati, asi hamupinduri; Noʋusiku, asi handiwani zororo. Asi imi muri mutȿene, Imi mugere parumbidzo dzaIsraeri. Madziɓaɓa eɗu akaʋimba nemi; Ʋakaʋimba, imi mukaʋarwira. Ʋakacema kwamuri, ʋakarwirwa; Ʋakaʋimba nemi, ʋakasanyadziswa. Asi ini ndiri honye, handizi munhu; Ndiri cinhu cinoɀidzwa naʋanhu, cinoshoʋorwa naʋanhu ʋose. Ʋose, ʋanondiʋona ʋanondiseka; Ʋanoshamisa muromo, ʋanodzuŋgudza misoro, ʋaciti: Ciɀiisai kunaJehova; iye ŋgaamurwire; Ŋgaamurwire, ɀaanomufarira iye. Asi ndimi makandiɓuɗisa paciɀaro; Makandiʋimbisa nemi ndiciri pamazamu amai ʋaŋgu. Ndakaiswa kwamuri kubva paciɀaro; Imi muri Mŋari waŋgu kubva paɗumbu ramai ʋaŋgu. Regai kuʋa kure neni; nokuti njodzi iri pedyo; Nokuti hapana‐uŋgaɓatsira.
Mapisarema 22:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)