Mapisarema 2:2-4
Mapisarema 2:2-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Madzimambo enyika azvigadzirira uye vabati vanoungana pamwe chete kuti vazorwa naJehovha, uye kuti vazorwisa Muzodziwa Wake. Vanoti, “Ngatidamburei ngetani dzavo, tigorasa mabote avo.” Iye agere pachigaro choushe chokudenga anoseka; Ishe anovadadira.
Mapisarema 2:2-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Madzimambo enyika anozvigadzira, Navabati vanorangana, Kuzorwa naJehovha nomuzodziwa wake, vachiti, “Ngatidambure zvisungo zvavo, Ngatirashe mabote avo abve kwatiri.” Iye, agere kudenga-denga, achaseka; Ishe achavadadira.
Mapisarema 2:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Madzimambo apasi ari kunyatsoungana, uye vatongi vari kuitira TENZI nomuzodzwa wake musangano, vachiti: “Ngatidamburei zvitorobho zvavo titakanurire uko tambo dzavo.” Iye agere kumatenga anovaseka zvake TENZI anovaita chiseko chaicho.
Mapisarema 2:2-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Madzimambo enyika anoɀigadzira, Naʋaɓati ʋanoraŋgana, Kuzorwa naJehova nomuzodziwa wake, ʋaciti: Ŋgatiɗambure ɀisuŋgo ɀaʋo, Ŋgatirashe maɓote aʋo abve kwatiri. Iye, ugere kuɗeŋga‐ɗeŋga, ucaseka; Ishe ucaʋaɗaɗira.
Mapisarema 2:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)