Mapisarema 2:1-12
Mapisarema 2:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndudzi dzinoitireiko bope? Uye vanhu vanofungireiko zvisina maturo? Madzimambo enyika azvigadzirira uye vabati vanoungana pamwe chete kuti vazorwa naJehovha, uye kuti vazorwisa Muzodziwa Wake. Vanoti, “Ngatidamburei ngetani dzavo, tigorasa mabote avo.” Iye agere pachigaro choushe chokudenga anoseka; Ishe anovadadira. Ipapo anovatuka mukutsamwa kwake uye anovavhundutsa muhasha dzake, achiti, “Ndakagadza Mambo wangu paZioni, gomo rangu dzvene.” Ndichaparidza chirevo chaJehovha, ndichiti: Iye akati kwandiri, “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava Baba vako. Kumbira kwandiri, uye ndichaita kuti ndudzi dzive nhaka yako, migumo yenyika ive yako. Uchavatonga netsvimbo yesimbi; uchavaputsa kuita zvimedu zvimedu sehari.” Naizvozvo, imi madzimambo, ngwarai; munyeverwe, imi vabati venyika. Shumirai Jehovha nokutya, uye mufare nokudedera. Tsvodai Mwanakomana, kuti arege kutsamwa mukazoparadzwa munzira yenyu, nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka. Vakaropafadzwa vose vanovanda maari.
Mapisarema 2:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndudzi dzinoitireiko bope, Navanhu vanofungireiko zvisina maturo? Madzimambo enyika anozvigadzira, Navabati vanorangana, Kuzorwa naJehovha nomuzodziwa wake, vachiti, “Ngatidambure zvisungo zvavo, Ngatirashe mabote avo abve kwatiri.” Iye, agere kudenga-denga, achaseka; Ishe achavadadira. Ipapo achataura kwavari pakutsamwa kwake, Nokuvavhundusa pahasha dzake huru; “Kunyange zvakadaro ini ndakagadza mambo wangu paZioni, iro gomo rangu dzvene.” Ndichaparidza chirevo, chinoti, “Jehovha akati kwandiri, ‘Ndiwe mwanakomana wangu; Nhasi ndakubereka. Kumbira kwandiri, ndikupe ndudzi ive nhaka yako, Nemigumo yenyika zvive zvako. Muchavapwanya netsvimbo youtare; Muchavaputsanya sehari yomuumbi.’ ” Zvino chivai nenjere, imi madzimambo; Munyeverwe, imi vatongi venyika. Shumirai Jehovha nokutya, Mufare muchidedera. Tsvodai mwanakomana, arege kutsamwa, mufire panzira, Nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka. Vakakomborerwa vose vanovimba naye.
Mapisarema 2:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ko ivo vechirudzi, vanodirei kuti ungaunga, vachiita bope marudzi avanhu achidai kuita bangano risina maturo. Madzimambo apasi ari kunyatsoungana, uye vatongi vari kuitira TENZI nomuzodzwa wake musangano, vachiti: “Ngatidamburei zvitorobho zvavo titakanurire uko tambo dzavo.” Iye agere kumatenga anovaseka zvake TENZI anovaita chiseko chaicho. Ndipo paachazotaura kwavari zvehasha achivavhundutsira nokuviruka kwake nehasha. Achiti, “Ini ndini ndakagadza mambo wangu paZioni, gomo rangu rinoera. Ndichataura pachena chirevo chaTENZI akanditi iwe ndiwe mwanakomana wangu, nhasi ndakubereka. Ndikumbire zvako ndigokupa marudzi avanhu kuti ave nhaka yako kunyange nyika, kusvika nokwainoperera kuti ive yako. Uchavatyora netsvimbo yesimbi ugovapwanya kuti mwarara somudziyo womuumbi wehari. Zvino imi madzimambo, ngwarai, inzwai kuyambirwa kwamunoitwa, imi vatongi venyika. Shandirai TENZI muchimutya, mudederei pamunomuremekedza. Angadaro akashatirwa mukaparara munzira nokuti haatane kushatirwa. Vakakomborerwa zvavo vanopotera maari.”
Mapisarema 2:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndudzi dzinoitireiko ɓope, Naʋanhu ʋanofuŋgireiko ɀisinamaturo? Madzimambo enyika anoɀigadzira, Naʋaɓati ʋanoraŋgana, Kuzorwa naJehova nomuzodziwa wake, ʋaciti: Ŋgatiɗambure ɀisuŋgo ɀaʋo, Ŋgatirashe maɓote aʋo abve kwatiri. Iye, ugere kuɗeŋga‐ɗeŋga, ucaseka; Ishe ucaʋaɗaɗira. Ipapo ucataura kwaʋari pakutsamŋa kwake, Nokuʋavundusa pahasha dzake huru; Kunyaŋge ɀakaɗaro ini ndakagadza mambo waŋgu PaZioni, iro gomo raŋgu dɀene. Ndicaparidza cireʋo, cinoti: Jehova wakati kwandiri: Ndiwe mŋanakomana waŋgu; Nhasi ndakakuɓereka. Kumbira kwandiri, ndikupe ndudzi iʋe nhaka yako, Nemigumo yenyika ɀiʋe ɀako. Mucaʋapxanya netȿimbo yoʋutare; Mucaʋaputsanya sehari yomuʋumbi. Ɀino ciʋai nenjere, imi madzimambo; Munyeʋerwe, imi ʋatoŋgi ʋenyika. Shumirai Jehova nokutya, Mufare muciɗeɗera. Ȿetai mŋanakomana, arege kutsamŋa, mufire panzira, Nokuti hasha dzake dziŋgakurumidza kumuka. Ʋakakomborerwa ʋose ʋanoʋimba naye.
Mapisarema 2:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)