Mapisarema 19:7-9 - Compare All Versions
Mapisarema 19:7-9 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Murayiro waJehovha wakakwana, unomutsiridza mweya. Zvirevo zvaJehovha zvakavimbika, zvinopa njere kuna vasina mano. Zvirevo zvaJehovha zvakarurama, zvinopa mufaro kumwoyo. Murayiro waJehovha unopenya, unopa chiedza kumaziso. Kutya Jehovha kwakanaka, kunogara nokusingaperi. Zvakatongwa naJehovha ndezvechokwadi uye zvose zvakarurama.
Mapisarema 19:7-9 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Murayiro waJehovha wakakwana, unoponesa mweya; Chipupuriro chaJehovha ndechazvokwadi, chinopa vasina mano njere. Zvinorairwa naJehovha zvakarurama, zvinofadza mwoyo; Murau waJehovha wakaisvonaka, unovhenekera meso. Kutya Jehovha kwakanaka, kunogara nokusingaperi; Zvakatongwa naJehovha ndezvazvokwadi, zvakarurama kwazvo.
Mapisarema 19:7-9 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Mutemo waTENZI mutemo uzere, unomutsiridza munhu. Kupupurira kwaTENZI ndokwechokwadi, kunopa ungwaru kuna vasina njere. Zvirongwa zvaTENZI zvakarurama, zvinofadza mwoyo. Murau waTENZI mutsvene tsvene unovhenekera maziso. Kutya Mwari chinhu chakachena, chinogara nokusingaperi mitemo yaTENZI iri pachokwadi uye yakarurama kwazvo.
Mapisarema 19:7-9 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Murairo waJehova wakakwana, unoponesa mŋeya; Cipupuriro caJehova ndecaɀokwaɗi, cinopa ʋasinamano njere. Ɀinorairwa naJehova ɀakarurama, ɀinofadza mŋoyo; Murau waJehova wakaiȿo‐naka, unovenekera meso. Kutya Jehova kwakanaka, kunogara nokusiŋgaperi; Ɀakatoŋgwa naJehova ndeɀaɀokwaɗi, ɀakarurama kwaɀo.
Mapisarema 19:7-9 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)