Mapisarema 19:12-14 - Compare All Versions
Mapisarema 19:12-14 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndianiko angaziva kukanganisa kwake? Ndikanganwirei mhosva dzangu dzakavanzika. Dzorai muranda wenyu kubva pakutadza nobwoni; ngazvirege kuva nesimba pamusoro pangu. Ipapo handizovi nemhosva, ndisina mhaka yokudarika kukuru. Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomwoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, imi Jehovha, Dombo rangu noMudzikinuri wangu.
Mapisarema 19:12-14 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndianiko angaziva zvitadzo? Ndinatsei imi pazvitadzo zvakavanzika. Dzoraiwo muranda wenyu pazvivi zvokuzvikudza; Ngazvirege kuva nesimba pamusoro pangu; ipapo ndichava akakwana, Handingavi nemhosva yokudarika kukuru. Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomwoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, Imi Jehovha, dombo rangu, nomudzikinuri wangu.
Mapisarema 19:12-14 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ndianiko uŋgaziʋa ɀitadzo? Ndinatsei imi paɀitadzo ɀakaʋanzika. Dzorai ʋo muranda wenyu paɀiʋi ɀokuɀikudza; Ŋgaɀirege kuʋa nesimba pamsoro paŋgu; ipapo ndicaʋa wakakwana, Handiŋgaʋi nemhoȿa yokuɗarika kukuru. Mashoko omuromo waŋgu nokuraŋgarira kwomŋoyo waŋgu ŋgaɀifadze pamberi penyu, Imi Jehova, ɗombo raŋgu, nomudzikinuri waŋgu.
Mapisarema 19:12-14 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ndiani angaone zvikanganiso zvake; ndicheneseiwo kunezvikanganiso zvakavanda. Ndidzivirireiwo ini muranda wenyu kuzvitadzo zvokuita ndichida. Ngazvirege kunditonga. Naizvozvo ndichava munhu asina mhosva uye asina kupara mhosva huru. Dai mazwi angu nepfungwa dzemwoyo wangu zvangove zvinogamuchirika kwamuri, imi TENZI, bako rangu nomununuri wangu.
Mapisarema 19:12-14 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)