Mapisarema 18:31-40 - Compare All Versions
Mapisarema 18:31-40 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu? NdiMwari anondishongedza nesimba uye anokwanisa nzira yangu. Anoita kuti tsoka dzangu dzive setsoka dzenondo; anoita kuti ndigone kumira pakakwirira. Anodzidzisa maoko angu kurwa; maoko angu anowembura uta hwendarira. Munondipa nhoo yenyu yokukunda, uye ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira; munokotama pasi kuti mundiite mukuru. Munondiitira nzira yakapamhama pasi pangu, kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutedzemuka. Ndakatevera vavengi vangu ndikavabata; handina kudzokera shure kusvikira vaparadzwa. Ndakavapwanya kuti vakoniwe kusimuka; vakawira pasi petsoka dzangu. Makandishongedza nesimba rokurwa; makaita kuti vadzivisi vangu vapfugame patsoka dzangu. Makaita kuti vavengi vangu vatize, uye ndakaparadza vavengi vangu.
Mapisarema 18:31-40 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndianiko Mwari, asi iye Jehovha? Ndianiko dombo, asi iye Mwari wedu? Iye Mwari, anondisunga chiuno nesimba, Anokwanisa nzira yangu. Anoita tsoka dzangu dzive setsoka dzenondokadzi, Anondiisa pamatunhu angu akakwirira. Anodzidzisa maoko angu kurwa; Naizvozvo maoko angu anowembura huta hwendarira. Makandipawo nhoo yokuponesa kwenyu; Ruoko rwenyu rworudyi rwakanditsigira, Uye unyoro hwenyu hwakandiita mukuru. Makandiitira nzvimbo yakafarikana pandingatsika; Uye tsoka dzangu hadzina kutedzemuka. Ndichateverera vavengi vangu nokuvabata. Handingadzokizve kusvikira vapedzwa. Ndichavabaya, vakoniwe kusimuka; Vachawira pasi petsoka dzangu. Nokuti makandisunga chiuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa vaindimukira. Makatizisa vavengi vangu, Kuti ndiparadze vanondivenga.
Mapisarema 18:31-40 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Ndiani Mwari, kunze kwaTENZI? Ndiani dombo kunze kwaMwari wedu? Ndiye Mwari akandipa simba akaita kuti nzira yangu ifambike. Makumbo angu anoaita seengururu, kunyange pamangoringori anoita kuti ndimire. Anodzidzisa maoko angu kurwa hondo zvokuti kunyange uta hwendarira, maoko angu anogona kutatamura. Ruponeso rwenyu ndiyo nhoo yamakandipa, rudyi rwenyu rwakanditsigira. Rubatsiro rwenyu rwakaita kuti ndive mukuru mukuru. Pokutsika netsoka dzangu, makandipa pakuru zvokuti tsoka dzangu, kutsvedzemuka hadzina. Ndakaronda vavengi vangu ndikavabata, ndikatozofuratira vapera kuti dhu. Ndakavapwanya-pwanya zvokuti havana kukwanisa kumuka, vakati rakata pasi petsoka dzangu. Makandipa simba rokurwa hondo mukaita kuti vavengi vangu vandigwadamire. Vanondivenga makaita kuti vanditize vanondivenga ndikavaparadza.
Mapisarema 18:31-40 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Nokuti ndianiko Mŋari, asi iye Jehova? Ndianiko ɗombo, asi iye Mŋari weɗu? Iye Mŋari, unondisuŋga ciʋuno nesimba, Unokwanisa nzira yaŋgu. Unoita tsoka dzaŋgu dziʋe setsoka dzenondokadzi, Unondiisa pamatunhu aŋgu akakwirira. Unodzidzisa maʋoko aŋgu kurwa; Naiɀoɀo maʋoko aŋgu anowembura ʋuta bgendarira. Makandipa ʋo nhoʋo yokuponesa kwenyu; Ruʋoko rwenyu rworudyi rwakanditsigira, Ʋuye ʋunyoro bgenyu bgakandiita mukuru. Makandiitira nɀimbo yakafarikana pandiŋgatsika; Ʋuye tsoka dzaŋgu hadzina‐kutedzemuka. Ndicateʋerera ʋaʋeŋgi ʋaŋgu nokuʋaɓata, Handiŋgadzoki ɀe kuȿikira ʋapedzwa. Ndicaʋaɓaya, ʋakoniwe kusimuka; Ʋacawira pasi petsoka dzaŋgu. Nokuti makandisuŋga ciʋuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa ʋaindimukira. Makatizisa ʋaʋeŋgi ʋaŋgu, Kuti ndiparadze ʋanondiʋeŋga.
Mapisarema 18:31-40 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)