Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 18:30-36 - Compare All Versions

Mapisarema 18:30-36 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana; shoko raJehovha harina charingapomerwa. Ndiye nhoo yavose vanovanda maari. Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu? NdiMwari anondishongedza nesimba uye anokwanisa nzira yangu. Anoita kuti tsoka dzangu dzive setsoka dzenondo; anoita kuti ndigone kumira pakakwirira. Anodzidzisa maoko angu kurwa; maoko angu anowembura uta hwendarira. Munondipa nhoo yenyu yokukunda, uye ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira; munokotama pasi kuti mundiite mukuru. Munondiitira nzira yakapamhama pasi pangu, kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutedzemuka.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 18 BDSC

Mapisarema 18:30-36 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana kwazvo; Shoko raJehovha rakaidzwa; Ndiye nhoo yavose vanovimba naye. Nokuti ndianiko Mwari, asi iye Jehovha? Ndianiko dombo, asi iye Mwari wedu? Iye Mwari, anondisunga chiuno nesimba, Anokwanisa nzira yangu. Anoita tsoka dzangu dzive setsoka dzenondokadzi, Anondiisa pamatunhu angu akakwirira. Anodzidzisa maoko angu kurwa; Naizvozvo maoko angu anowembura huta hwendarira. Makandipawo nhoo yokuponesa kwenyu; Ruoko rwenyu rworudyi rwakanditsigira, Uye unyoro hwenyu hwakandiita mukuru. Makandiitira nzvimbo yakafarikana pandingatsika; Uye tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 18 SNA2002

Mapisarema 18:30-36 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Kana ari Mŋari, nzira yake yakakwana kwaɀo; Shoko raJehova rakaidzwa; Ndiye nhoʋo yaʋose ʋanoʋimba naye. Nokuti ndianiko Mŋari, asi iye Jehova? Ndianiko ɗombo, asi iye Mŋari weɗu? Iye Mŋari, unondisuŋga ciʋuno nesimba, Unokwanisa nzira yaŋgu. Unoita tsoka dzaŋgu dziʋe setsoka dzenondokadzi, Unondiisa pamatunhu aŋgu akakwirira. Unodzidzisa maʋoko aŋgu kurwa; Naiɀoɀo maʋoko aŋgu anowembura ʋuta bgendarira. Makandipa ʋo nhoʋo yokuponesa kwenyu; Ruʋoko rwenyu rworudyi rwakanditsigira, Ʋuye ʋunyoro bgenyu bgakandiita mukuru. Makandiitira nɀimbo yakafarikana pandiŋgatsika; Ʋuye tsoka dzaŋgu hadzina‐kutedzemuka.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 18 SUB1949

Mapisarema 18:30-36 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mwari uyu, nzira dzake dzakarurama, zvinotaurwa naTENZI ndezvechokwadi inhoo yavose vanopotera kwaari. Ndiani Mwari, kunze kwaTENZI? Ndiani dombo kunze kwaMwari wedu? Ndiye Mwari akandipa simba akaita kuti nzira yangu ifambike. Makumbo angu anoaita seengururu, kunyange pamangoringori anoita kuti ndimire. Anodzidzisa maoko angu kurwa hondo zvokuti kunyange uta hwendarira, maoko angu anogona kutatamura. Ruponeso rwenyu ndiyo nhoo yamakandipa, rudyi rwenyu rwakanditsigira. Rubatsiro rwenyu rwakaita kuti ndive mukuru mukuru. Pokutsika netsoka dzangu, makandipa pakuru zvokuti tsoka dzangu, kutsvedzemuka hadzina.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 18 SCLB

Mapisarema 18:30-36 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mwari uyu, nzira dzake dzakarurama, zvinotaurwa naTENZI ndezvechokwadi inhoo yavose vanopotera kwaari. Ndiani Mwari, kunze kwaTENZI? Ndiani dombo kunze kwaMwari wedu? Ndiye Mwari akandipa simba akaita kuti nzira yangu ifambike. Makumbo angu anoaita seengururu, kunyange pamangoringori anoita kuti ndimire. Anodzidzisa maoko angu kurwa hondo zvokuti kunyange uta hwendarira, maoko angu anogona kutatamura. Ruponeso rwenyu ndiyo nhoo yamakandipa, rudyi rwenyu rwakanditsigira. Rubatsiro rwenyu rwakaita kuti ndive mukuru mukuru. Pokutsika netsoka dzangu, makandipa pakuru zvokuti tsoka dzangu, kutsvedzemuka hadzina.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 18 SCLBD