Mapisarema 17:14
Mapisarema 17:14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa, Jehovha, ndiponesei noruoko rwenyu kubva kuvanhu vakadai, kubva kuvanhu venyika ino vano mubayiro uri muupenyu huno. Munopedza nzara yaavo vamunoda; vanakomana vavo vane zvakawanda, uye vanounganidzira vana vavo pfuma.
Mapisarema 17:14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kuvanhu, noruoko rwenyu imi Jehovha, Kuvanhu venyika, vanomugove wavo paupenyu uhwu, Vamunozadza dumbu ravo nepfuma yenyu; Vana vana vazhinji, Vanosiyira vacheche vavo zvakasara zvepfuma yavo.
Mapisarema 17:14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
noruoko rwenyu TENZI ndinunurei kuvanhu, kuvanhu vano mugove wavo pasi pano asi vazadzei dumbu nezvamakavachengetera; vana vavo vagutswewo vave nezvimwe zvavanosiirawo vacheche vavo.
Mapisarema 17:14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kuʋanhu, noruʋoko rwenyu imi Jehova, Kuʋanhu ʋenyika, ʋanomugoʋe waʋo paʋupenyu ubgu, Ʋamunozadza ɗumbu raʋo nefuma yenyu; Ʋanaʋana ʋazhinji, Ʋanosiyira ʋacece ʋaʋo ɀakasara ɀefuma yaʋo.