Mapisarema 145:1-3
Mapisarema 145:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndichakukudzai, Mwari wangu Mambo; ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi-peri. Ndichakurumbidzai mazuva ose, uye ndichakudza zita renyu nokusingaperi-peri. Jehovha mukuru uye akafanira kurumbidzwa; ukuru hwake hahunganzverwi nomunhu.
Mapisarema 145:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndichakukudzai kwazvo, Mwari wangu, imi Mambo; Ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi-peri. Ndichakurumbidzai zuva rimwe nerimwe; Ndichakudza zita renyu nokusingaperi-peri. Jehovha mukuru, anofanira kurumbidzwa kwazvo; Ukuru hwake haunganzverwi.
Mapisarema 145:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinokukudzai Mwari wangu namambo wangu, ndicharumbidza zita renyu narini narini. Ndichakurumbidzai mazuva ose ndichikudza zita renyu narini narini. TENZI mukuru uye anofanira kurumbidzwa zvikuru; ukuru hwake haugoni kutsvagurudzwa hukawanikwa.
Mapisarema 145:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndicakukudzai kwaɀo, Mŋari waŋgu, imi Mambo; Ndicarumbidza zita renyu nokusiŋgaperi‐peri. Ndicakurumbidzai zuʋa rimŋe nerimŋe; Ndicakudza zita renyu nokusiŋgaperi‐peri. Jehova mukuru, unofanira kurumbidzwa kwaɀo; Ʋukuru bgake haʋuŋganɀerwi.
Mapisarema 145:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)