Mapisarema 143:7-8 - Compare All Versions
Mapisarema 143:7-8 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haiwa Jehovha, kurumidzai kundipindura; mweya wangu woziya. Regai kundivanzira chiso chenyu nokuti ndingazova savaya vakaburukira mugomba. Mangwanani ngaandivigire shoko rorudo rwenyu rusingaperi, nokuti ndinovimba nemi. Ndiratidzei nzira yandinofanira kufamba nayo, nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.
Mapisarema 143:7-8 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kurumidzai kupindura, Jehovha; mweya wangu waziya; Regai kundivanzira chiso chenyu; Ndigosava savanoburukira kugomba. Ndinzwisei unyoro hwenyu mangwanani; Nokuti ndinovimba nemi; Ndizivisei nzira yandinofanira kufamba nayo; Nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.
Mapisarema 143:7-8 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Kurumidzai kundipindura, Jehova; mŋeya waŋgu waziya; Regai kundiʋanzira ciso cenyu; Ndigosaʋa saʋanoɓurukira kugomba. Ndinzwisei ʋunyoro bgenyu maŋgwanani; Nokuti ndinoʋimba nemi; Ndiziʋisei nzira yandinofanira kufamba nayo; Nokuti ndinosimudzira mŋeya waŋgu kwamuri.
Mapisarema 143:7-8 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kasikai kundipindura TENZI ndapererwa ini, musavanze uso hwenyu ndingadaro ndikaita savaya vanoenda kuguva. Regai ndinzwe nezvemwoyochena wenyu mangwanani nokuti ndinovimba nemi. Ndidzidziseiwo nzira yandingafambe nayo, nokuti ndinosimudzira pfungwa nemwoyo wangu kunemi.
Mapisarema 143:7-8 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)