Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 142:3-6 - Compare All Versions

Mapisarema 142:3-6 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mweya wangu paunoziya mandiri, imi ndimi munoziva nzira yangu. Munzira mandinofamba, vanhu vakandivanzira misungo. Tarirai kurudyi rwangu mugoona; hakuna ane hanya neni. Handina utiziro; hakuna ane hanya noupenyu hwangu. Ndinochema kwamuri, imi Jehovha; ndinoti, “Ndimi utiziro hwangu, nomugove wangu munyika yavapenyu.” Teererai kuchema kwangu, nokuti ndiri pakushayiwa kukuru; ndinunurei kuna avo vanondidzinganisa, nokuti vanondikurira simba.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 142 BDSC

Mapisarema 142:3-6 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Panguva yokumanikidzwa kwomweya wangu mukati mangu, makaziva nzira yangu. Panzira yandinofamba nayo vakandivanzira musungo. Tarirai kurudyi rwangu, muone; nokuti hakuna munhu anondiziva; Ndashaiwa utiziro; hakuna munhu ane hanya nomweya wangu. Ndakadanidzira kwamuri, Jehovha; Ndakati, “Ndimi utiziro hwangu, Nomugove wangu panyika yavapenyu.” Teererai kudanidzira kwangu; nokuti ndinoshaiwa simba kwazvo; Ndirwirei panavanonditambudza; nokuti vanondikurira nesimba.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 142 SNA2002

Mapisarema 142:3-6 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Kana mweya wangu washaya simba imi munoziva nzira yandinofanira kutora munzira yandinofamba vakanditeera musungo. Tarisai zvenyu kurudyi muone kuti hakuna anombondionawo, hakuna kwokupotera, hapana ane hanya neni. Ndinochema kwamuri TENZI ndichiti ndimi diziro rangu; nhaka yangu munyika yavapenyu. Chinzwai kuchema kwangu nokuti ini ndapera simba; ndiponeseiwo kuvanhu vanonditambudza nokuti vane simba kupinda ini.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 142 SCLBD

Mapisarema 142:3-6 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Paŋguʋa yokumanikidzwa kwomŋeya waŋgu mukati maŋgu, makaziʋa nzira yaŋgu. Panzira yandinofamba nayo ʋakandiʋanzira musuŋgo. Tarirai kurudyi rwaŋgu, muʋone; nokuti hakunomunhu unondiziʋa; Ndashaiwa ʋutiziro; hakunomunhu unehanya nomŋeya waŋgu. Ndakaɗanidzira kwamuri, Jehova; Ndakati: Ndimi ʋutiziro bgaŋgu, Nomugoʋe waŋgu panyika yaʋapenyu. Tererai kuɗanidzira kwaŋgu; nokuti ndinoshaiwa simba kwaɀo; Ndirwirei panaʋanonditambudza; nokuti ʋanondikurira nesimba.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 142 SUB1949

Mapisarema 142:3-6 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Kana mweya wangu washaya simba imi munoziva nzira yandinofanira kutora munzira yandinofamba vakanditeera musungo. Tarisai zvenyu kurudyi muone kuti hakuna anombondionawo, hakuna kwokupotera, hapana ane hanya neni. Ndinochema kwamuri TENZI ndichiti ndimi diziro rangu; nhaka yangu munyika yavapenyu. Chinzwai kuchema kwangu nokuti ini ndapera simba; ndiponeseiwo kuvanhu vanonditambudza nokuti vane simba kupinda ini.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 142 SCLB