Mapisarema 140:1-13
Mapisarema 140:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndirwirei, imi Jehovha, pavanhu vakaipa; ndidzivirirei pavanhu vanoita nechisimba. Ivo vanofunga urongwa hwakaipa mumwoyo yavo, uye vanomutsa hondo mazuva ose. Vanorodza ndimi dzavo kuti dzipinze sedzenyoka; uturu hwenyoka yechiva huri pamiromo yavo. Sera Ndichengetei, imi Jehovha, kubva mumaoko avakaipa; ndidzivirirei pavanhu vanoita nechisimba vanoronga kupinga tsoka dzangu. Vanhu vanozvikudza vakandivanzira misungo; vakatambanudza mabote emimbure yavo uye vakateya ugombe munzira yandinofamba nayo. Sera Haiwa Jehovha, ndinoti kwamuri, “Ndimi Mwari wangu.” Haiwa Jehovha, inzwai kuchemera nyasha kwangu. Haiwa Ishe Jehovha, imi mudzikinuri wangu ane simba, anofukidza musoro wangu pazuva rehondo, regai kupa vakaipa zvavanoda, imi Jehovha; musarega urongwa hwavo huchibudirira, kuti varege kuzvikudza. Sera Misoro yaavo vakandipoteredza ngaifukidzwe nenhamo yakaparwa nemiromo yavo. Mazimbe anopfuta ngaawire pamusoro pavo; ngavakandwe mumoto, mumakomba amatope, vasambomukazve. Vane makuhwa ngavarege kusimbiswa panyika; njodzi ngaivhime vanhu vanoita zvinhu nechisimba. Ndinoziva kuti Jehovha akachengetera varombo kururamisirwa kwavo, uye anotsigira vanoshayiwa pamhaka dzavo. Zvirokwazvo vakarurama vacharumbidza zita renyu, uye vakarurama vachagara pamberi penyu.
Mapisarema 140:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndirwirei Jehovha, pamunhu wakaipa; Ndichengetei pamunhu anehasha; Ivo, vanofunga zvakaipa mumwoyo yavo; Vanogara vachimutsa kurwa. Vakarodza rurimi rwavo senyoka; Uturu hwechiva huri pasi pemiromo yavo. Ndichengetei, Jehovha, pamaoko owakaipa; Ndichengetei pamunhu anomanikidza; Vanofunga mano okugumburisa tsoka dzangu. Vanozvikudza vakandivanzira musungo namabote; Vakadzika mumbure parutivi rwenzira, Vakanditeyera rugombe. Ndakati kuna Jehovha, “Ndimi Mwari wangu;” Teererai, Jehovha, munzwe izwi rokukumbira kwangu. Mwari Ishe, ndimi simba rokuponeswa kwangu, Makafukidza musoro wangu pazuva rokurwa. Jehovha, regai kupa wakaipa zvaanotsvaka; Musapfuudza zano rake rakaipa; kuti varege kuzvikudza. Kana uri musoro wavanondikomba, Zvakashata zvemiromo yavo imene ngazvivafukidze. Mazimbe omoto, anopfuta, ngaawire pamusoro pavo; Ngavakandirwe mumoto; Nomumakomba akadzika, kuti varege kumukazve. Munhu, anamakuhwa, haangasimbiswi pasi; Zvakaipa zvichavhima munhu anomanikidza kuti zvimuparadze. Ndinoziva kuti Jehovha achagadzira mhosva yavanotambudzika, Nokururamisira vashaiwi. Zvirokwazvo, vakarurama vachavonga zita renyu; Vanemwoyo yakarurama vachagara pamberi penyu.
Mapisarema 140:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinunurei TENZI kuvanhu vakaipa ndichengeteiwo kuvanhu vanokuvadza vamwe vanhu vanorangana zvakaipa mumwoyo mavo, vanogara vakamutsa hondo. Vanorodza rurimi rwavo serwenyoka; pasi pemiromo yavo pane uturu hwechiva. Dzepfunde. Ndichengeteiwo TENZI ndirege kuwira mumaoko avakaipa ndichengeteiwo kuvanhu vanokuvadza vamwe vakaronga kupingirisha makumbo angu. Vanhu vanozvikudza vakanditeya zvakavanda, vakawarira misungo munzira samambure, vakanditeya nomusungo munzira. Dzepfunde. Ndinoti kuna TENZI, “Ndimi Mwari wangu inzwaiwo izwi rokukumbira kwangu, TENZI.” TENZI Mwari wangu, mununuri wangu ane simba, makadzivirira musoro wangu pazuva rehondo. Musape vakaipa zvavanoda, musaite kuti zvavanoronga zvibudirire. Dzepfunde Kana vanondikomba vava kusimudza misoro, zvavakarangana nemiromo yavo ngazvivapfukire. Ngavawirwe namazimbe omoto unopisa, vakandwe muhunza mavasingazombobuda. Munyombi ngaarege kudzika midzi munyika, zvakashata ngazviwire nokukurumidza munhu anokuvadza vamwe. Ndinoziva kuti TENZI anomiririra nyaya dzavarombo uye anoitira zvinoruenzaniso vasina chavanacho. Vakarurama vachatotenda zita renyu; vari pachokwadi vachagara panemi.
Mapisarema 140:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndirwirei Jehova, pamunhu wakaipa; Ndiceŋgetei pamunhu unehasha; Iʋo, ʋanofuŋga ɀakaipa mumŋoyo yaʋo; Ʋanogara ʋacimutsa kurwa. Ʋakarodza rurimi rwaʋo senyoka; Ʋuturu bgeciʋa ʋuri pasi pemiromo yaʋo. Ndiceŋgetei, Jehova, pamaʋoko owakaipa; Ndiceŋgetei pamunhu unomanikidza; Ʋanofuŋga mano okugumbusa tsoka dzaŋgu. Ʋanoɀikudza ʋakandiʋanzira musuŋgo namaɓote; Ʋakadzika mumbure parutiʋi rwenzira: Ʋakanditeyera rugombe. Ndakati kunaJehova: Ndimi Mŋari waŋgu; Tererai, Jehova, munzwe inzwi rokukumbira kwaŋgu. Mŋari Ishe, ndimi simba rokuponeswa kwaŋgu, Makafukidza musoro waŋgu pazuʋa rokurwa. Jehova, regai kupa wakaipa ɀaanotȿaka; Musapfuʋudza zano rake rakaipa; kuti ʋarege kuɀikudza. Kana uri musoro waʋanondikomba, Ɀakashata ɀemiromo yaʋo imene ŋgaɀiʋafukidze. Mazimbe omŋoto, anopfuta, ŋgaawire pamsoro paʋo; Ŋgaʋakandirwe mumŋoto; Nomumakomba akadzika, kuti ʋarege kumuka ɀe. Munhu, unamakuhwa, haaŋgasimbiswi pasi; Ɀakaipa ɀicavima munhu unomanikidza kuti ɀimuparadze. Ndinoziʋa kuti Jehova ucagadzira mhoȿa yaʋanotambudzika, Nokururamisira ʋashaiwi. Ɀirokwaɀo, ʋakarurama ʋacaʋoŋga zita renyu; Ʋanemŋoyo yakarurama ʋacagara pamberi penyu.
Mapisarema 140:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)