Mapisarema 139:3-12
Mapisarema 139:3-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munonzvera kubuda kwangu nokuvata kwangu pasi; munoziva nzira dzangu dzose. Shoko risati rava parurimi rwangu, tarirai, imi Jehovha, munoriziva rose. Munondikomberedza shure nemberi; makaisa ruoko rwenyu pamusoro pangu. Kuziva kwakadai kunondishamisa, kwakanyanya kukwirira zvokuti handingasvikiri. Ndingaendepiko kuti ndibve paMweya wenyu? Ndingatizirepiko kuti ndibve pamberi penyu? Kana ndikakwira kumatenga, imi muriko; kana ndikawarira mubhedha wangu kwakadzika, imi muriko. Kana ndikasimuka namapapiro amambakwedza, kana ndikandogara kumagumo egungwa, kunyange ipapo ruoko rwenyu runondisesedza, ruoko rwenyu rworudyi runondimbundikira. Kana ndikati, “Zvirokwazvo rima richandivanza, uye chiedza chinondikomberedza chichava usiku kwandiri,” kunyange rima haringavi rima kwamuri; usiku huchapenya samasikati, nokuti rima rakaita sechiedza kwamuri.
Mapisarema 139:3-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munocherekedza kufamba kwangu nokuvata kwangu pasi, Munoziva nzira dzangu dzose. Nokuti shoko risati ravapo parurimi rwangu, Tarirai, imi Jehovha, matoriziva rose. Makandikomberedza shure kwangu nemberi, Nokuisa ruoko rwenyu pamusoro pangu. Kuziva kwakadai kunondishamisa kwazvo; Zviri kumusoro, handigoni kusvikira kwazviri. Ndingaendepiko ndibve pamweya wenyu? Kana ndingatizirepiko ndibve pamberi penyu? Kana ndingakwira kudenga muripo; Kana ndikazviwarira nhoo paSheori, tarirai muripowo. Kana ndikabhururuka namapapiro amangwanani, Ndikandogara pamigumo yegungwa; Naipapowo ruoko rwenyu ruchandifambisa, Ruoko rwenyu rworudyi ruchandifambisa, Kana ndikati, “Zvirokwazvo, rima richandifukidza,” Chiedza chinondikomberedza chichava sousiku; Kunyange rima haringandivanzi kwamuri, Asi usiku hunopenya samasikati; Rima nechiedza zvakafanana.
Mapisarema 139:3-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Imi munocherechedza kufamba kwangu nokurara kwangu uye munoziva nzira dzangu dzose, nokuti izwi risati rambove parurimi rwangu, imi TENZI munenge matonyatsoriziva. Munondikomberedza mberi neshure muchitoisa ruoko rwenyu pandiri. Ruzivo rwakadaro runondishamisa zvakanyanyisisa, rwuri pamusoro handimbokwanisa kuruwana. Kwandingaende ndokupiko, kusina Mweya wenyu uye ndingatizire kupiko kwamusiri nokuti ndikati ndiende kudenga imi muriko? Ndikati ndiwarire uvato hwangu kunzvimbo yavakafa imi muriko, ndikati regai ndipepereke nemhepo yorungwanani ndichindogara kwakaperera gungwa, kunyange ikoko ruoko rwenyu ndirwo ruchanditungamirira makandibata noruoko rwenyu rworudyi. Ndikati nditi rima rindifukidze uye kuti chiedza chiri pandiri chive usiku kunyange rima harina kusviba kwamuri, usiku hwakachena samasikati. Kwamuri rima nechiedza zvakangofanana.
Mapisarema 139:3-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munocerekedza kufamba kwaŋgu nokuʋata kwaŋgu pasi, Munoziʋa nzira dzaŋgu dzose. Nokuti shoko risati raʋa’po parurimi rwaŋgu, Tarirai, imi Jehova, matoriziʋa rose. Makandikomberedza shure kwaŋgu nemberi, Nokuisa ruʋoko rwenyu pamsoro paŋgu. Kuziʋa kwakaɗai kunondishamisa kwaɀo; Ɀiri kumsoro, handigoni kuȿikira kwaɀiri. Ndiŋgaendepiko ndibve pamŋeya wenyu? Kana ndiŋgatizirepiko ndibve pamberi penyu? Kana ndikakwira kuɗeŋga muri’po; Kana ndikaɀiwarira nhoʋo paSheori, tarirai muri’po ʋo. Kana ndikabururuka namapapiro amaŋgwanani, Ndikandogara pamigumo yeguŋgwa; Naipapo ʋo ruʋoko rwenyu rucandifambisa, Ruʋoko rwenyu rworudyi rucandifambisa, Kana ndikati: Ɀirokwaɀo, rima ricandifukidza, Ciedza cinondikomberedza cicaʋa soʋusiku; Kunyaŋge rima hariŋgandiʋanzi kwamuri, Asi ʋusiku ʋunopenya samasikati; Rima neciedza ɀakafanana.
Mapisarema 139:3-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)