Mapisarema 139:16-18
Mapisarema 139:16-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Meso enyu akaona muviri wangu uchigere kukwaniswa, Zvose zvakanga zvakanyorwa murugwaro rwenyu, Zuva rimwe nerimwe rokuumbwa kwazvo, Kusati kwava nechimwe chazvo. Mirangariro yenyu, Mwari, inodikanwa sei nei! Yakakura sei pakuverengwa kwayo! Kana ndikaiverenga, ingapfuura jecha pakuwanda; Kana ndichipepuka, ndichinemi.
Mapisarema 139:16-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
meso enyu akaona muviri usati waumbwa. Mazuva ose andakarongerwa akanga akanyorwa mubhuku renyu, rimwe rawo risati ravapo. Mirangariro yenyu inokosha sei kwandiri, imi Mwari! Yakakura sei pakuverengwa kwayo! Dai ndaiverenga, ingadai yaikunda tsanga dzejecha pakuwanda. Pandinopepuka, ndinenge ndinemi.
Mapisarema 139:16-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Meso enyu akaona muviri wangu uchigere kukwaniswa, Zvose zvakanga zvakanyorwa murugwaro rwenyu, Zuva rimwe nerimwe rokuumbwa kwazvo, Kusati kwava nechimwe chazvo. Mirangariro yenyu, Mwari, inodikanwa sei nei! Yakakura sei pakuverengwa kwayo! Kana ndikaiverenga, ingapfuura jecha pakuwanda; Kana ndichipepuka, ndichinemi.
Mapisarema 139:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Makandiona nemeso nhengo dzangu dzisati dzaumbwa. Dzakanga dzanyorwa mubhuku menyu dzikazoumbwa panguva yadzo kusvikira dzose dzapera. Hakusi kukosha kwakaita pfungwa dzenyu kwandiri TENZI uye hakusi kukura kwadzakaita. Dai kuri kuti ndinodziverenga, dzakawanda kupinda jecha. Pandinomuka ndinenge ndisati ndambopedza nemi.
Mapisarema 139:16-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Meso enyu akaʋona muʋiri waŋgu ucigere kukwaniswa, Ɀose ɀakaŋga ɀakanyorwa murugwaro rwenyu, Zuʋa rimŋe nerimŋe rokuʋumbga kwaɀo, Kusati kwaʋa necimŋe caɀo. Miraŋgariro yenyu, Mŋari, inoɗikanwa sei neni! Yakakura sei pakuʋereŋgwa kwayo! Kana ndikaiʋereŋga, iŋgapfuʋura jeca pakuwanda; Kana ndicipepuka, ndicine’mi.
Mapisarema 139:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)