Mapisarema 139:15-16
Mapisarema 139:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Zvandiri zvakanga zvisina kuvanzika kwamuri pandaiumbwa muchivande, ndichinyatsosonanidzwa pasi pasi chaipo penyika. Makandiona nemeso nhengo dzangu dzisati dzaumbwa. Dzakanga dzanyorwa mubhuku menyu dzikazoumbwa panguva yadzo kusvikira dzose dzapera.
Mapisarema 139:15-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mapfupa angu akanga asina kuvanzika kwamuri, pandakanga ndaiswa munzvimbo yakavanda. Pandakarukwa ndiri pakadzika penyika, meso enyu akaona muviri usati waumbwa. Mazuva ose andakarongerwa akanga akanyorwa mubhuku renyu, rimwe rawo risati ravapo.
Mapisarema 139:15-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mapfupa angu akanga asina kuvanzwa kwamuri, Panguva yandakaitwa pakavanda, Pakuumbwa kwangu nenjere panzvimbo dzezasi dzapasi. Meso enyu akaona muviri wangu uchigere kukwaniswa, Zvose zvakanga zvakanyorwa murugwaro rwenyu, Zuva rimwe nerimwe rokuumbwa kwazvo, Kusati kwava nechimwe chazvo.
Mapisarema 139:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvandiri zvakanga zvisina kuvanzika kwamuri pandaiumbwa muchivande, ndichinyatsosonanidzwa pasi pasi chaipo penyika. Makandiona nemeso nhengo dzangu dzisati dzaumbwa. Dzakanga dzanyorwa mubhuku menyu dzikazoumbwa panguva yadzo kusvikira dzose dzapera.
Mapisarema 139:15-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mafupa aŋgu akaŋga asina kuʋanzwa kwamuri, Paŋguʋa yandakaitwa pakaʋanda, Pakuʋumbga kwaŋgu nenjere panɀimbo dzezasi dzapasi. Meso enyu akaʋona muʋiri waŋgu ucigere kukwaniswa, Ɀose ɀakaŋga ɀakanyorwa murugwaro rwenyu, Zuʋa rimŋe nerimŋe rokuʋumbga kwaɀo, Kusati kwaʋa necimŋe caɀo.