Mapisarema 139:1-18
Mapisarema 139:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa Jehovha, makandinzvera uye munondiziva. Munoziva nguva yandinogara neyandinosimuka; munonzwisisa pfungwa dzangu muri kure. Munonzvera kubuda kwangu nokuvata kwangu pasi; munoziva nzira dzangu dzose. Shoko risati rava parurimi rwangu, tarirai, imi Jehovha, munoriziva rose. Munondikomberedza shure nemberi; makaisa ruoko rwenyu pamusoro pangu. Kuziva kwakadai kunondishamisa, kwakanyanya kukwirira zvokuti handingasvikiri. Ndingaendepiko kuti ndibve paMweya wenyu? Ndingatizirepiko kuti ndibve pamberi penyu? Kana ndikakwira kumatenga, imi muriko; kana ndikawarira mubhedha wangu kwakadzika, imi muriko. Kana ndikasimuka namapapiro amambakwedza, kana ndikandogara kumagumo egungwa, kunyange ipapo ruoko rwenyu runondisesedza, ruoko rwenyu rworudyi runondimbundikira. Kana ndikati, “Zvirokwazvo rima richandivanza, uye chiedza chinondikomberedza chichava usiku kwandiri,” kunyange rima haringavi rima kwamuri; usiku huchapenya samasikati, nokuti rima rakaita sechiedza kwamuri. Nokuti imi makasika zvomukatikati mangu; makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu. Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa, ndinonyatsozviziva kwazvo. Mapfupa angu akanga asina kuvanzika kwamuri, pandakanga ndaiswa munzvimbo yakavanda. Pandakarukwa ndiri pakadzika penyika, meso enyu akaona muviri usati waumbwa. Mazuva ose andakarongerwa akanga akanyorwa mubhuku renyu, rimwe rawo risati ravapo. Mirangariro yenyu inokosha sei kwandiri, imi Mwari! Yakakura sei pakuverengwa kwayo! Dai ndaiverenga, ingadai yaikunda tsanga dzejecha pakuwanda. Pandinopepuka, ndinenge ndinemi.
Mapisarema 139:1-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha, imi makandinzvera, nokundiziva. Munoziva kugara kwangu pasi nokusimuka kwangu, Munonzwisisa kufunga kwangu muri kure. Munocherekedza kufamba kwangu nokuvata kwangu pasi, Munoziva nzira dzangu dzose. Nokuti shoko risati ravapo parurimi rwangu, Tarirai, imi Jehovha, matoriziva rose. Makandikomberedza shure kwangu nemberi, Nokuisa ruoko rwenyu pamusoro pangu. Kuziva kwakadai kunondishamisa kwazvo; Zviri kumusoro, handigoni kusvikira kwazviri. Ndingaendepiko ndibve pamweya wenyu? Kana ndingatizirepiko ndibve pamberi penyu? Kana ndingakwira kudenga muripo; Kana ndikazviwarira nhoo paSheori, tarirai muripowo. Kana ndikabhururuka namapapiro amangwanani, Ndikandogara pamigumo yegungwa; Naipapowo ruoko rwenyu ruchandifambisa, Ruoko rwenyu rworudyi ruchandifambisa, Kana ndikati, “Zvirokwazvo, rima richandifukidza,” Chiedza chinondikomberedza chichava sousiku; Kunyange rima haringandivanzi kwamuri, Asi usiku hunopenya samasikati; Rima nechiedza zvakafanana. Nokuti imi makaumba itsvo dzangu; Makandiruka mudumbu ramai vangu. Ndichakuvongai; nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa unoshamisa; Mabasa enyu anoshamisa; Mweya wangu unozviziva kwazvo. Mapfupa angu akanga asina kuvanzwa kwamuri, Panguva yandakaitwa pakavanda, Pakuumbwa kwangu nenjere panzvimbo dzezasi dzapasi. Meso enyu akaona muviri wangu uchigere kukwaniswa, Zvose zvakanga zvakanyorwa murugwaro rwenyu, Zuva rimwe nerimwe rokuumbwa kwazvo, Kusati kwava nechimwe chazvo. Mirangariro yenyu, Mwari, inodikanwa sei nei! Yakakura sei pakuverengwa kwayo! Kana ndikaiverenga, ingapfuura jecha pakuwanda; Kana ndichipepuka, ndichinemi.
Mapisarema 139:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
TENZI makandiongorora mukandiziva. Munoziva mafambiro namagariro munonzwisisa pfungwa dzangu imi muri kure zvenyu. Imi munocherechedza kufamba kwangu nokurara kwangu uye munoziva nzira dzangu dzose, nokuti izwi risati rambove parurimi rwangu, imi TENZI munenge matonyatsoriziva. Munondikomberedza mberi neshure muchitoisa ruoko rwenyu pandiri. Ruzivo rwakadaro runondishamisa zvakanyanyisisa, rwuri pamusoro handimbokwanisa kuruwana. Kwandingaende ndokupiko, kusina Mweya wenyu uye ndingatizire kupiko kwamusiri nokuti ndikati ndiende kudenga imi muriko? Ndikati ndiwarire uvato hwangu kunzvimbo yavakafa imi muriko, ndikati regai ndipepereke nemhepo yorungwanani ndichindogara kwakaperera gungwa, kunyange ikoko ruoko rwenyu ndirwo ruchanditungamirira makandibata noruoko rwenyu rworudyi. Ndikati nditi rima rindifukidze uye kuti chiedza chiri pandiri chive usiku kunyange rima harina kusviba kwamuri, usiku hwakachena samasikati. Kwamuri rima nechiedza zvakangofanana. Nokuti ndimi makaumba nhengo dzangu dzomukati-kati. Ndimi makandiruka munhumbu maamai vangu. Ndinokurumbidzai nokuti munotyisa uye munoshamisa. Mabasa enyu anoshamisa munonyatsondiziva. Zvandiri zvakanga zvisina kuvanzika kwamuri pandaiumbwa muchivande, ndichinyatsosonanidzwa pasi pasi chaipo penyika. Makandiona nemeso nhengo dzangu dzisati dzaumbwa. Dzakanga dzanyorwa mubhuku menyu dzikazoumbwa panguva yadzo kusvikira dzose dzapera. Hakusi kukosha kwakaita pfungwa dzenyu kwandiri TENZI uye hakusi kukura kwadzakaita. Dai kuri kuti ndinodziverenga, dzakawanda kupinda jecha. Pandinomuka ndinenge ndisati ndambopedza nemi.
Mapisarema 139:1-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova, imi makandinɀera, nokundiziʋa. Munoziʋa kugara kwaŋgu pasi nokusimuka kwaŋgu, Munonzwisisa kufuŋga kwaŋgu muri kure. Munocerekedza kufamba kwaŋgu nokuʋata kwaŋgu pasi, Munoziʋa nzira dzaŋgu dzose. Nokuti shoko risati raʋa’po parurimi rwaŋgu, Tarirai, imi Jehova, matoriziʋa rose. Makandikomberedza shure kwaŋgu nemberi, Nokuisa ruʋoko rwenyu pamsoro paŋgu. Kuziʋa kwakaɗai kunondishamisa kwaɀo; Ɀiri kumsoro, handigoni kuȿikira kwaɀiri. Ndiŋgaendepiko ndibve pamŋeya wenyu? Kana ndiŋgatizirepiko ndibve pamberi penyu? Kana ndikakwira kuɗeŋga muri’po; Kana ndikaɀiwarira nhoʋo paSheori, tarirai muri’po ʋo. Kana ndikabururuka namapapiro amaŋgwanani, Ndikandogara pamigumo yeguŋgwa; Naipapo ʋo ruʋoko rwenyu rucandifambisa, Ruʋoko rwenyu rworudyi rucandifambisa, Kana ndikati: Ɀirokwaɀo, rima ricandifukidza, Ciedza cinondikomberedza cicaʋa soʋusiku; Kunyaŋge rima hariŋgandiʋanzi kwamuri, Asi ʋusiku ʋunopenya samasikati; Rima neciedza ɀakafanana. Nokuti imi makaʋumba itȿo dzaŋgu; Makandiruka muɗumbu ramai ʋaŋgu. Ndicakuʋoŋgai; nokuti ndakaitwa nomutoʋo unotyisa unoshamisa; Maɓasa enyu anoshamisa; Mŋeya waŋgu unoɀiziʋa kwaɀo. Mafupa aŋgu akaŋga asina kuʋanzwa kwamuri, Paŋguʋa yandakaitwa pakaʋanda, Pakuʋumbga kwaŋgu nenjere panɀimbo dzezasi dzapasi. Meso enyu akaʋona muʋiri waŋgu ucigere kukwaniswa, Ɀose ɀakaŋga ɀakanyorwa murugwaro rwenyu, Zuʋa rimŋe nerimŋe rokuʋumbga kwaɀo, Kusati kwaʋa necimŋe caɀo. Miraŋgariro yenyu, Mŋari, inoɗikanwa sei neni! Yakakura sei pakuʋereŋgwa kwayo! Kana ndikaiʋereŋga, iŋgapfuʋura jeca pakuwanda; Kana ndicipepuka, ndicine’mi.
Mapisarema 139:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)