Mapisarema 132:11-14
Mapisarema 132:11-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akapika mhiko kuna Dhavhidhi, mhiko yechokwadi yaasingagoni kushandura achiti, “Mumwe wechizvarwa chako ndichamugadza pachigaro chako choushe, kana vanakomana vako vakachengeta sungano yangu nezvandakatema zvandakavadzidzisa, ipapo vanakomana vavo vachagara pachigaro chako choushe nokusingaperi-peri.” Nokuti Jehovha akasarudza Zioni, akarida kuti huve ugaro hwake achiti, “Iyi ndiyo nzvimbo yangu yokuzorora nokusingaperi-peri; ipapa ndipo pandichagara samambo, nokuti ndakapada
Mapisarema 132:11-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha akapika kuna Dhavhidhi; Haangashanduki pazviri, achiti, “Zvibereko zvomuviri wako ndizvo zvandichaisa pachigaro chako chohushe. Kana vana vako vachichengeta sungano yangu Nezvipupuriro zvangu zvandichavadzidzisa, Navana vavowo vachagara pachigaro chako choushe nokusingaperi.” Nokuti Jehovha wakasanangura Zioni; Akarida kuti huve ugaro hwake. Pano ndipo pandinozorora nokusingaperi; Ndichagara pano; nokuti ndakapada.
Mapisarema 132:11-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
TENZI akapika kuna Dhavhidhi, akatsidza mhiko yechokwadi yaasingakandi pasi, achiti, “Mumwe mwana weropa rako ndichamugadza pachigaro chako choumambo. Kana vana vako vakachengeta chitenderano changu nemitemo yangu yandichavadzidzisa vana vavo vachagarawo pachigaro chako choumambo nokusingaperi.” Nokuti TENZI akasarudza Zioni akada kuti ive nzvimbo yake yokugara achiti, “Iyi ndiyo nzvimbo yangu yokugara nokusingaperi ndichagara pano nokuti ndakaida.
Mapisarema 132:11-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova wakapika kunaDavidi; Haaŋgashanduki paɀiri, aciti: Ɀiɓereko ɀomuʋiri wako ndiɀo ɀandicaisa pacigaro cako coʋushe. Kana ʋana ʋako ʋaciceŋgeta suŋgano yaŋgu Neɀipupuriro ɀaŋgu ɀandicaʋadzidzisa, Naʋana ʋaʋo ʋo ʋacagara pacigaro cako coʋushe nokusiŋgaperi. Nokuti Jehova wakasanaŋgura Zioni; Wakariɗa kuti ʋuʋe ʋugaro bgake. Pano ndipo pandinozorora nokusiŋgaperi; Ndicagara pano; nokuti ndakapaɗa.
Mapisarema 132:11-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)