Mapisarema 131:1-2
Mapisarema 131:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa Jehovha, mwoyo wangu hauzvikudzi, meso angu haana manyawi; handina hanya nezvinhu zvikuru kana zvinhu zvinonyanya kushamisa. Asi ndakadzikamisa uye ndakanyaradza mweya wangu; somwana akarumurwa namai vake, somwana akarumurwa, ndizvo zvakaita mweya wangu mandiri.
Mapisarema 131:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha, mwoyo wangu hauzvikudzi, meso angu haana manyawi; Handine hanya nezvinhu zvikuru-kuru, Kana nezvinhu zvinondikurira. Zvirokwazvo ndakavaraidza mweya wangu nokuunyaradza; Somwana wakarumurwa ari pana mai vake, Mweya wangu wakaita kwandiri somwana akarumurwa.
Mapisarema 131:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
TENZI ini handizvitutumadzi zvokuvhaira handichavhaira. Handiite mwoyo nezvinhu zvikurukuru kana zvinonyanya kushamisira kwandiri. Ndakazvidzikamisa ndikazvitonhodza somwana anoyamwa, ndozvandakaita somwana anonyaradzwa ndozvandakaita.
Mapisarema 131:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova, mŋoyo waŋgu hauɀikudzi, meso aŋgu haanamanyawi; Handinehanya neɀinhu ɀikuru‐kuru, Kana neɀinhu ɀinondikurira. Ɀirokwaɀo ndakaʋaraidza mŋeya waŋgu nokuunyaradza; Somŋana wakarumurwa uri panamai ʋake, Mŋeya waŋgu wakaita kwandiri somŋana wakarumurwa.
Mapisarema 131:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
TENZI ini handizvitutumadzi zvokuvhaira handichavhaira. Handiite mwoyo nezvinhu zvikurukuru kana zvinonyanya kushamisira kwandiri. Ndakazvidzikamisa ndikazvitonhodza somwana anoyamwa, ndozvandakaita somwana anonyaradzwa ndozvandakaita.