Mapisarema 13:1-6
Mapisarema 13:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kusvikira riniko, nhai Jehovha? Muchandikanganwa nokusingaperi here? Muchasvika riniko makandivanzira chiso chenyu? Ndichaita mutsimba nepfungwa dzangu kusvikira riniko, uye ndine shungu mumwoyo mangu zuva rimwe nerimwe? Muvengi wangu achandikurira kusvikira riniko? Tarirai kwandiri mugondipindura, imi Jehovha Mwari wangu. Vhenekerai meso angu, kana kuti ndichafa ndakarara; muvengi wangu achati, “Ndamukurira ndamukunda,” uye vadzivisi vangu vachapembera kana ndawa. Asi ini ndinovimba norudo rwenyu rusingaperi; mwoyo wangu unofarira ruponeso rwenyu. Ndichaimbira Jehovha, nokuti akandinakira.
Mapisarema 13:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha muchandikanganwa nokusingaperi kusvikira rini? Muchandivanzira chiso chenyu kusvikira riniko? Ndichafunga mano mumweya mangu kusvikira rini, Ndine shungu pamwoyo pangu zuva rimwe nerimwe? Muvengi wangu achandikurira kusvikira rini? Rangarirai, mundipindure, Jehovha Mwari wangu; Vhenekerai meso angu, ndirege kuvata hope dzokufa; Muvengi wangu arege kuti, “Ndamukunda;” Vadzivisi vangu varege kufara kana ndichizununguka. Asi ndakavimba nenyasha dzenyu; Mwoyo wangu uchafara nokuponesa kwenyu; Ndichaimbira Jehovha, Nokuti akandiitira zvakanaka.
Mapisarema 13:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mucharamba muchingondikanganwa kusvikira riniko, nhai TENZI? Muchandivanza chiso chenyu kusvikira riniko? Ko ndichatenderedzwa musoro kusvikira riniko ndichirwadziwa mwoyo zuva rose kudai? Vavengi vangu vachandikurira kusvikira riniko? Nditarisei TENZI Mwari wangu mundipindure. Ndibengenutsei ndirege kukotsira hope dzorufu. Muvengi wangu angadaro akazoti ndakamukurira, mhandu dzangu dzikazofarira kuti ndakazunzika. Asi ini ndinovimba nemwoyochena wenyu; mwoyo wangu unofarira ruponeso rwenyu. Ndichaimbira TENZI nokuti akandiitira zvakanaka.
Mapisarema 13:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova mucandikaŋganwa nokusiŋgaperi kuȿikira rini? Mucandiʋanzira ciso cenyu kuȿikira riniko? Ndicafuŋga mano mumŋeya maŋgu kuȿikira rini, Ndineshuŋgu pamŋoyo paŋgu zuʋa rimŋe nerimŋe? Muʋeŋgi waŋgu ucandikurira kuȿikira rini? Raŋgarirai, mundipindure, Jehova Mŋari waŋgu; Venekerai meso aŋgu, ndirege kuʋata hope dzokufa; Muʋeŋgi waŋgu arege kuti: Ndamukunda; Ʋadziʋisi ʋaŋgu ʋarege kufara kana ndicizunuŋguka. Asi ndakaʋimba nenyasha dzenyu; Mŋoyo waŋgu ucafara nokuponesa kwenyu; Ndicaimbira Jehova, Nokuti wakandiitira ɀakanaka.
Mapisarema 13:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)