Mapisarema 122:6-8
Mapisarema 122:6-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nyengetererai rugare rweJerusarema: “Vanokuda dai vagara zvakanaka. Dai mukati mamasvingo ako maita rugare, nokuchengetedzeka mukati menhare dzako.” Nokuda kwehama neshamwari dzangu, ndichati, “Rugare ngaruve mukati mako.”
Mapisarema 122:6-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kumbirirai Jerusaremu rugare; Vanokudai, vachakomborerwa. Rugare ngaruve mukati mamasvingo ako, Nokufarikana mukati medzimba dzako dzohushe. Nokuda kwehama dzangu neshamwari dzangu, Ndichati zvino, “Rugare ngaruve mukati mako.”
Mapisarema 122:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kumbirirai Jerusaremu rugare, vanokuda ngavabudirire. Murusvingo rwako ngamuve norugare uye kubudirira kuve mumuzinda yako. Pamusana pehama dzangu neshamwari dzangu ndinoti, “Rugare ngaruve mauri.”
Mapisarema 122:6-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kumbirirai Jerusarema rugare; Ʋanokuɗai, ʋacakomborerwa. Rugare ŋgaruʋe mukati mamaȿiŋgo ako, Nokufarikana mukati medzimba dzako dzoʋushe. Nokuɗa kwehama dzaŋgu neshamŋari dzaŋgu, Ndicati ɀino: Rugare ŋgaruʋe mukati mako.