Mapisarema 121:3-6
Mapisarema 121:3-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke, muchengeti wako haangakotsiri; zvirokwazvo, muchengeti waIsraeri haangakotsiri kana kuvata. Jehovha anokurinda, Jehovha ndiye mumvuri wako kuruoko rwako rworudyi; zuva haringakubayi masikati, kana mwedzi usiku.
Mapisarema 121:3-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke; Muchengeti wako haangakotsiri. Tarirai, muchengeti waIsiraeri Haangakotsiri kana kuvata. Jehovha ndiye muchengeti wako; Jehovha ndiye mumvuri wako paruoko rwako rworudyi. Zuva haringakubayi masikati, Nomwedzi usiku.
Mapisarema 121:3-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Haaregi tsoka yako ichitsvedzemuka iye anokuchengeta haatsomwaire nehope. Onai iye anochengeta Isiraeri haatsomwaire nehope kana kukotsira. TENZI ndiye muchengeti wako TENZI ndiye mumvuri wako kurudyi rwako. Zuva harikupisi masikati kana mwedzi nousiku.
Mapisarema 121:3-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Haaŋgatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke; Muceŋgeti wako haaŋgakotsiri. Tarirai, muceŋgeti waIsraeri Haaŋgakotsiri kana kuʋata. Jehova ndiye muceŋgeti wako; Jehova ndiye mumvuri wako paruʋoko rwako rworudyi. Zuʋa hariŋgakuɓayi masikati, Nomŋedzi ʋusiku.
Mapisarema 121:3-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)