Mapisarema 120:1-7
Mapisarema 120:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinodana kuna Jehovha mukutambudzika kwangu, uye anondipindura. Haiwa Jehovha, ndiponesei pamiromo inoreva nhema, nendimi dzinonyengera. Achaiteiko kwauri, uye chimwe chiiko kunze kwezvizvi, iwe rurimi runonyengera? Achakuranga nemiseve yakapinza yemhare, namazimbe anopfuta omuti womurara. Ndine nhamo ini ndinogara muMesheki, kuti ndinogara pakati pamatende eKedhari! Ndakagara nguva refu pakati pavanovenga rugare. Ndiri munhu worugare; asi pandinotaura, ivo ndevehondo.
Mapisarema 120:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, Iye akandipindura. Rwirai mweya wangu, Jehovha, pamiromo inoreva nhema, Naparurimi runonyengedzera. Iwe uchapiweiko, chinyi chichawedzerwa kwauri, Iwe rurimi runonyengedzera? Miseve inopinza yeanesimba, Namazimbe anopfuta omurara. Ndine ropa rakaipa zvandiri mutorwa paMesheki, Zvandigere pamatende eKedhari! Mweya wangu wakagara nguva refu Neanovenga rugare. Ini ndinoda rugare; Asi kana ndichitaura, ivo vanotsvaka kurwa.
Mapisarema 120:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhamo yangu ndakachema kuna TENZI kuti andipindure. Ndinunureiwo TENZI kumiromo inotaura nhema, kururimi runonyengedza. Shamhu yauchapiwa ndeipi, chimwe chauchaitwa chii, iwe murevi wenhema? Miseve yavarwi yakapinza namazimbe anopfuta omuti womutsvairo. Rushambwawo rwokuti ndinogara muMesheki ndichigara mumatendhe okuKedhari. Ndagarisa pakati pavanhu vanovenga rugare chandinoda ini rugare; asi ndikati nditaure ivo vavakutoda zvehondo.
Mapisarema 120:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakutambudzika kwaŋgu ndakaɗana kunaJehova, Iye akandipindura. Rwirai mŋeya waŋgu, Jehova, pamiromo inoreʋa nhema, Naparurimi runonyeŋgedzera. Iwe ucapiweiko, cinyi cicawedzerwa kwauri, Iwe rurimi runonyeŋgedzera? Miseʋe inopinza younesimba, Namazimbe anopfuta omurara. Ndineropa rakaipa ɀandiri mutorwa paMesheki, Ɀandigere pamatente eKedari! Mŋeya waŋgu wakagara ŋguʋa refu Nounoʋeŋga rugare. Ini ndinoɗa rugare; Asi kana ndicitaura, iʋo ʋanotȿaka kurwa.
Mapisarema 120:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)