Mapisarema 119:57-64
Mapisarema 119:57-64 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa, Jehovha, ndimi mugove wangu; ndakavimbisa kuteerera mashoko enyu. Ndakatsvaka chiso chenyu nomwoyo wangu wose; ndinzwirei nyasha sezvamakavimbisa. Ndakacherechedza nzira dzangu ndikadzorera tsoka dzangu kune zvamakatema. Ndichakurumidza uye handinganonoki kuteerera mirayiro yenyu. Kunyange vakaipa vakandisunga namabote, handizokanganwi murayiro wenyu. Ndinomuka pakati pousiku ndichikuvongai nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama. Ndiri shamwari yavose vanokutyai, nokuna vose vanotevera zvirevo zvenyu. Haiwa Jehovha, nyika izere norudo rwenyu, ndidzidzisei zvirevo zvenyu.
Mapisarema 119:57-64 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha ndiye mugove wangu; Ndakati, ndichachengeta mashoko enyu. Ndakakumbira chiso chenyu nomwoyo wangu wose; Ndinzwirei nyasha, sezvinoreva shoko renyu. Ndakafunga nzira dzangu, Ndikadzorera tsoka dzangu kuzvipupuriro zvenyu. Ndakakurumidza, handina kunonoka Kuchengeta mirairo yenyu. Mabote avakaipa akandimonera; Asi handina kukanganwa murau wenyu. Ndichamuka pakati pousiku kuti ndikuvongei Pamusoro pezvamakatonga zvakarurama. Ndiri shamwari yavose vanokutyai, Neyavanochengeta zvirevo zvenyu. Jehovha, pasi pazere nengoni dzenyu; Ndidzidzisei mitemo yenyu.
Mapisarema 119:57-64 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
TENZI ndiye nhaka yangu, ndinotsidza kuchengeta shoko renyu. Heti Ndinotsvaka nomwoyo wangu wose kuti mundicheukewo, ndinzwireiwo ngoni sokutsidza kwenyu. Ndikafunga makwara enyu ndinobva ndatendeuka ndotevera mitemo yenyu. Ndinokurumidza, handinonoki kuchengeta mitemo yenyu. Kunyange misungo yavakaipa ichinditeya handikanganwi mutemo wenyu. Ndinomuka pakati pousiku ndichikurumbidzai nokuda kwezvirevo zvenyu zvakarurama. Ndiri shamwari yavose vanokutyai, wavose vanochengeta mitemo yenyu. Nyika izere nemwoyochena wenyu, TENZI, ndidzidzisei mitemo yenyu.
Mapisarema 119:57-64 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova ndiye mugoʋe waŋgu; Ndakati, ndicaceŋgeta mashoko enyu. Ndakakumbira ciso cenyu nomŋoyo waŋgu wose; Ndinzwirei nyasha, seɀinoreʋa shoko renyu. Ndakafuŋga nzira dzaŋgu, Ndikadzorera tsoka dzaŋgu kuɀipupuriro ɀenyu. Ndakakurumidza, handina‐kunonoka Kuceŋgeta mirairo yenyu. Maɓote aʋakaipa akandimonera; Asi handina‐kukaŋganwa murau wenyu. Ndicamuka pakati poʋusiku kuti ndikuʋoŋgei Pamsoro peɀamakatoŋga ɀakarurama. Ndiri shamŋari yaʋose ʋanokutyai, Neyaʋanoceŋgeta ɀireʋo ɀenyu. Jehova, pasi pazere neŋgoni dzenyu; Ndidzidzisei mitemo yenyu.
Mapisarema 119:57-64 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)