Mapisarema 119:121-128
Mapisarema 119:121-128 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakaita zvakarurama nokururamisira; musandisiya mumaoko avadzvinyiriri vangu. Itai kuti muranda wenyu agare zvakanaka; musarega vanozvikudza vachimudzvinyirira. Meso angu aneta nokutsvaka ruponeso rwenyu, ndichitsvaga vimbiso yenyu yakarurama. Itirai muranda wenyu zvinoringana norudo rwenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu; ndipeiwo kunzvera kuti ndigonzwisisa zvamakatema. Haiwa Jehovha, inguva yenyu yokubata; murayiro wenyu uri kuputswa. Nokuti ndinoda mirayiro yenyu kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa, uye nokuti ndinoti zvirevo zvenyu zvose zvakarurama, ndinovenga nzira dzose dzakaipa.
Mapisarema 119:121-128 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndakaita zvakatongwa nezvakarurama; Musandiisa kuvamanikidzi vangu. Ivai rubatso rwomuranda wenyu kuti ndiitirwe zvakanaka; Vanozvikudza ngavarege kundimanikidza. Meso angu apera nokutsvaka kuponesa kwenyu, Neshoko renyu rakarurama. Itirai muranda wenyu nounyoro hwenyu, Mundidzidzise mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu, ndipei njere; Kuti ndizive zvipupuriro zvenyu. Inguva yaJehovha yokubata nayo; Nokuti vakaputsa murau wenyu. Saka ndinoda mirairo yenyu Kupfuura ndarama, zvirokwazvo, kupfuura ndarama yakaisvonaka. Saka ndinoti, zvirevo zvenyu zvose pamusoro pezvose zvakarurama; Ndinovenga nzira dzose dzenhema.
Mapisarema 119:121-128 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakaita zviri pamutemo uye zvakarurama musandisiye mumaoko avanondidzvinyiriri vangu. Aini Tsidzai kuti ndimi muchabatsira ini muranda wenyu. Musarege vanozvikudza vachindidzvinyirira. Meso angu aneta nokutarisira ruponeso rwenyu nokuzadzikiswa kwechitsidzo chenyu chakarurama. Ndiitireiwo mwoyochena mundidzidzisewo mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu, ndipeiwo kunzwisisa kuti ndizive mitemo yenyu. Yasvika zvino nguva TENZI yokuti muchiwana zvamunoita nokuti mutemo uri kutyorwa. Naizvozvo ndinoda mitemo yenyu kupinda ndarama, kupinda ndarama yakanakisisa. Nezvo nemitemo yenyu ndinowana nzira kwayo, ndinovenga maitiro ose ounyengedzi.
Mapisarema 119:121-128 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakaita ɀakatoŋgwa neɀakarurama; Musandiisa kuʋamanikidzi ʋaŋgu. Iʋai ruɓatso rwomuranda wenyu kuti ndiitirwe ɀakanaka; Ʋanoɀikudza ŋgaʋarege kundimanikidza. Meso aŋgu apera nokutȿaka kuponesa kwenyu, Neshoko renyu rakarurama. Itirai muranda wenyu noʋunyoro bgenyu, Mundidzidzise mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu, ndipei njere; Kuti ndiziʋe ɀipupuriro ɀenyu. Iŋguʋa yaJehova yokuɓata nayo; Nokuti ʋakaputsa murau wenyu. Saka ndinoɗa mirairo yenyu Kupfuʋura ndarama, ɀirokwaɀo, kupfuʋura ndarama yakaiȿo‐naka. Saka ndinoti, ɀireʋo ɀenyu ɀose pamsoro peɀose ɀakarurama; Ndinoʋeŋga nzira dzose dzenhema.
Mapisarema 119:121-128 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)