Logo yeApp yeBhaibheri
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 112:6-7 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mapisarema 112:6-7 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Zvirokwazvo, haangatongozungunuswi; munhu akarurama acharangarirwa nokusingaperi. Haangatyi mashoko akaipa; mwoyo wake wakasimba, anovimba naJehovha.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 112 BDSC

Mapisarema 112:6-7 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Nokuti haangatongozununguswi; Akarurama acharamba achirangarirwa nokusingaperi. Haangatyi mashoko ezvinhu zvakaipa; Mwoyo wake wakasimba, uchavimba naJehovha.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 112 SNA2002

Mapisarema 112:6-7 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Nokuti haaŋgatoŋgozunuŋguswi; Wakarurama ucaramba aciraŋgarirwa nokusiŋgaperi. Haaŋgatyi mashoko eɀinhu ɀakaipa; Mŋoyo wake wakasimba, ucaʋimba naJehova.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 112 SUB1949

Mapisarema 112:6-7 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mururami haambozunguziki acharangarirwa nokusingaperi. Haambotya marehwarehwa akaipa; akasimba mwoyo, anovimba naTENZI.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 112 SCLB

Mapisarema 112:6-7 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mururami haambozunguziki acharangarirwa nokusingaperi. Haambotya marehwarehwa akaipa; akasimba mwoyo, anovimba naTENZI.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 112 SCLBD