Mapisarema 11:1-7
Mapisarema 11:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinovanda muna Jehovha. Mungareva seiko kwandiri muchiti, “Tizira kugomo rako seshiri. Nokuti tarira, vakaipa vanowembura uta hwavo; vanogadzirira miseve yavo parukungiso, kuti vapfure vari murima, uyo akarurama pamwoyo. Kana nheyo dzaparadzwa, akarurama angaiteiko?” Jehovha ari mutemberi yake tsvene; Jehovha ari pachigaro chake choushe chokudenga. Anocherechedza vanakomana vavanhu; meso ake anovaedza. Jehovha anoedza vakarurama, asi vakaipa navanoda zvechisimba mweya wake unovavenga. Pane vakaipa anonayisa mazimbe omoto nesafuri inopfuta; mhepo inopisa ndiwo uchava mugove wavo. Nokuti Jehovha akarurama, anoda kururamisira; vanhu vakarurama vachaona chiso chake.
Mapisarema 11:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinovimba naJehovha; Munoreva seiko kumweya wangu, muchiti, “Tizira kugomo rako seshiri? Nokuti, tarira, vakaipa vanowembura uta, Vanogadzira museve wavo parukungiso, Kuti vafure anomwoyo wakarurama parima. Kana nheyo dzakaparadzwa, Akarurama angaiteiko?” Jehovha uri mutemberi yake tsvene, Iye Jehovha, chigaro chake chohushe chiri kudenga; Meso ake anotarira, mafungiro ameso ake anoidza vana vavanhu. Jehovha anoidza vakarurama; Asi mweya wake unovenga wakaipa neanomanikidza. Achanisira misungo pamusoro pavakaipa; Moto nesuriferi nemhepo inopisa, ndiwo uchava mukombe wavo wavakagoverwa. Nokuti Jehovha akarurama; anoda zvakarurama; Vakarurama vachaona chiso chake.
Mapisarema 11:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinopotera kuna Mwari ko ungagoti kwandiri sei “Bhururukira kumakomo okwenyu, kunge shiri nokuti tarisai muone kuti vakaipa vatotatamura uta hwavo; vatoisa museve wavo patambo kuti vapfure vakarurama murima. Kana ugaro hwaparadzwa wakarurama angaitei?” TENZI ari muTemberi yake inoera chigaro choumambo chaTENZI chiri kudenga maziso ake anoona, meso ake anoongorora vanhu. TENZI anoedza vakarurama navakaipa asi anovenga wakaipa anoda utsinye. Anonaisa pamusoro pavakaipa mazimbe omoto nesarufa, mhepo inopisa ndiyo ichava mugove womukombe wavanopiwa nokuti TENZI akarurama, anoda kuita kwakarurama, vakarurama vachaona uso hwake.
Mapisarema 11:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinoʋimba naJehova; Munoreʋa seiko kumŋeya waŋgu, muciti: Tizira kugomo rako seshiri? Nokuti, tarira, ʋakaipa ʋanowembura ʋuta, Ʋanogadzira museʋe waʋo parukuŋgiso, Kuti ʋafure unomŋoyo wakarurama parima. Kana nheyo dzakaparadzwa, Wakarurama uŋgaiteiko? Jehova uri mutembere yake tȿene, Iye Jehova, cigaro cake coʋushe ciri kuɗeŋga; Meso ake anotarira, mafuŋgiro ameso ake anoidza ʋana ʋaʋanhu. Jehova unoidza ʋakarurama; Asi mŋeya wake unoʋeŋga wakaipa nounomanikidza. Ucanisira misuŋgo pamsoro paʋakaipa; Mŋoto nesurferi nemhepo inopisa, ndiwo ucaʋa mukombe waʋo waʋakagoʋerwa. Nokuti Jehova wakarurama; unoɗa ɀakarurama; Wakarurama ucaʋona ciso cake.
Mapisarema 11:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)