Mapisarema 107:8-9
Mapisarema 107:8-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye nokuda kwamabasa anoshamisa aakavaitira, nokuti anogutsa vane nyota, uye vane nzara anovazadza nezvakanaka.
Mapisarema 107:8-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu! Nokuti anogutisa mweya, une nyota, Uye mweya, une nzara, anouzadza nezvakanaka.
Mapisarema 107:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ngavatende TENZI nokuda kwomwoyochena wake uye nokuda kwezviito zvake kuvanhu zvinoshamisa nokuti anogondwesa ane nyota uye ane nzara anomugutsa nezvinhu zvakanaka.
Mapisarema 107:8-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Haiwa, ɗai ʋanhu ʋacirumbidza Jehova nokuɗa kwokunaka kwake, Ʋuye nokuɗa kwamaɓasa ake, anoshamisa, aakaitira ʋanakomana ʋaʋanhu! Nokuti unogutisa mŋeya, unenyota, Ʋuye mŋeya, unenzara, unouzadza neɀakanaka.