Mapisarema 107:15-20
Mapisarema 107:15-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira, nokuti anopwanya masuo endarira, uye akagura mazariro esimbi. Vamwe vakava mapenzi nokuda kwenzira dzavo dzokumukira, uye vakatambudzwa kwazvo nokuda kwezvakaipa zvavo. Vakasema zvokudya zvose, uye vakaswedera pamasuo orufu. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavaponesa pakutambura kwavo. Akatuma shoko rake uye akavaporesa; akavanunura kubva paguva.
Mapisarema 107:15-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu! Nokuti wakavhuna masuo endarira, Nokuguranya mazariro amatare. Mapenzi anotambudzika nokuda kwokudarika kwavo, Uye nokuda kwazvakaipa zvavo. Mweya wavo unosema zvokudya zvose; Vanoswedera pedyo namasuo orufu. Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo, Iye anovaponesa pamadambudziko avo. Anotuma shoko rake, ndokuvaporesa, Nokuvarwira pakuparadzwa kwavo.
Mapisarema 107:15-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ngavatende TENZI mwoyochena wake uye zviito zvake kuvanhu zvinoshamisa, nokuti anopwanya makonhi endarira achityora napakati zvihuri zvesimbi. Vamwe vakarwara nokuda kwokutadza kwavo, vakapinda pfumvu pamusana pouipi hwavo. Vakasema zvokudya zvose vakatenge voda kufa. Vakazochema kuna TENZI munhamo dzavo, iye akavanunura kupfumvu yavo. Akavarapa nezwi rake akavanunura pakuparadzwa.
Mapisarema 107:15-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Haiwa, ɗai ʋanhu ʋacirumbidza Jehova nokuɗa kwokunaka kwake, Ʋuye nokuɗa kwamaɓasa ake, anoshamisa, aakaitira ʋanakomana ʋaʋanhu! Nokuti wakavuna masuʋo endarira, Nokuguranya mazariro amatare. Mapenzi anotambudzika nokuɗa kwokuɗarika kwawo, Ʋuye nokuɗa kwaɀakaipa ɀawo. Mŋeya waʋo unosema ɀokudya ɀose; Ʋanosweɗera pedyo namasuʋo orufu. Ɀino ʋocema kunaJehova panhamo yaʋo, Iye unoʋaponesa pamaɗambudziko aʋo. Unotuma shoko rake, ndokuʋaporesa, Nokuʋarwira pakuparadzwa kwaʋo.
Mapisarema 107:15-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)