Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 107:1-16

Mapisarema 107:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ʋoŋgai Jehova, nokuti wakanaka; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Ʋakadzikinurwa ʋaJehova ŋgaʋaɗaro, Iʋo ʋaakadzikinura muruʋoko rwomudziʋisi; Akaʋaʋuŋganidza panyika dzose, Kumabvazuʋa nokumaʋirira, Kumsoro nezasi. Ʋakafamba‐famba murenje munzira yomuciwunde; Haʋana‐kuwana guta maʋaŋgagara. Ʋakafa nenzara nenyota, Mŋeya waʋo ukaziya mukati maʋo. Ipapo ʋakacema kunaJehova pakutambudzika kwaʋo, Iye akaʋarwira panjodzi dzaʋo. Wakaʋafambisa ʋo nenzira yakarurama, Kuti ʋaȿike kuguta rokugara. Haiwa, ɗai ʋanhu ʋacirumbidza Jehova nokuɗa kwokunaka kwake, Ʋuye nokuɗa kwamaɓasa ake, anoshamisa, aakaitira ʋanakomana ʋaʋanhu! Nokuti unogutisa mŋeya, unenyota, Ʋuye mŋeya, unenzara, unouzadza neɀakanaka. Ndiʋo, ʋakaŋga ʋagere murima nomumvuri worufu, Ʋakaŋga ʋakasuŋgwa mukutambudzika namatare, Nokuti ʋakamukira mashoko aMŋari, Ʋakashoʋora zano roWokumsoro‐soro; Saka wakaninipisa mŋoyo yaʋo nokutambura; Ʋakawira pasi, kukasaʋa nomunhu unoɓatsira. Ipapo ʋakacema kunaJehova panhamo yaʋo, Akaʋaponesa pamaɗambudziko aʋo. Wakaʋaɓuɗisa parima nomumvuri worufu, Akaɗamburanya ɀisuŋgo ɀaʋo. Haiwa, ɗai ʋanhu ʋacirumbidza Jehova nokuɗa kwokunaka kwake, Ʋuye nokuɗa kwamaɓasa ake, anoshamisa, aakaitira ʋanakomana ʋaʋanhu! Nokuti wakavuna masuʋo endarira, Nokuguranya mazariro amatare.