Mapisarema 103:2-4
Mapisarema 103:2-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu, uye urege kukanganwa mikomborero yake yose, iye anokanganwira zvivi zvako zvose, uye anoporesa kurwara kwako kwose, anodzikinura upenyu hwako kubva pagomba, uye anokushongedza korona yorudo netsitsi
Mapisarema 103:2-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Rumbidza Jehovha, mweya wangu, Urege kukanganwa mikomborero yake; Iye, anokanganwira zvakaipa zvako zvose; Anoporesa kurwara kwako kwose; Anodzikinura hupenyu hwako pakuparadzwa; Anokuisa korona younyoro nengoni
Mapisarema 103:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Rumbidza TENZI iwe mweya wangu; usakanganwe zvikomborero zvake zvose. Iye anoregerera uipi hwako hwose; anokurapa zvirwere zvako zvose anokununura kuti urege kuenda kuguva. Pamusoro pazvose anokuitira mwoyochena netsitsi.
Mapisarema 103:2-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Rumbidza Jehova, mŋeya waŋgu, Urege kukaŋganwa mikomborero yake; Iye, unokaŋganwira ɀakaipa ɀako ɀose; Unoporesa kurwara kwako kwose; Unodzikinura ʋupenyu bgako pakuparadzwa; Unokuisa korona yoʋunyoro neŋgoni
Mapisarema 103:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)