Mapisarema 103:11-14
Mapisarema 103:11-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti sokukwirira kwaakaita kudenga kumusoro kwenyika, ndizvo zvakaita kukura kworudo rwake kuna vanomutya; sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwatiri. Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo, saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya; nokuti anoziva kuti takaumbwa sei, anorangarira kuti tiri guruva.
Mapisarema 103:11-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti sokukwirira kwokudenga kumusoro, Ndizvo zvakaita kukura kwengoni dzake kuna vanomutya. Sokuva kure kwamabvazuva namavirira, Saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwose kure nesu. Sokunzwira tsitsi kwababa vana vake, Saizvozvo Jehovha anonzwira tsitsi vanomutya. Nokuti iye anoziva chatakaitwa nacho, Anorangarira kuti tiri guruva.
Mapisarema 103:11-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sokukwira kwakaita denga kubva pasi ndokukura kwakaita mwoyochena wake kuna vanomutya. Sokutaramukana kwakaita kumabvazuva nokumadokero ndokutaramutsa kwaanoita zvikanganiso zvedu kubva kwatiri. Sezvinoita baba kunzwira tsitsi vana vavo, TENZI anoitirawo tsitsi vanomutya nokuti anoziva maumbirwo atakaitwa anoyeuka kuti tiri huruva.
Mapisarema 103:11-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti sokukwirira kwokuɗeŋga kumsoro, Ndiɀo ɀakaita kukura kweŋgoni dzake kunaʋanomutya. Sokuʋa‐kure kwamabvazuʋa namaʋirira, Saiɀoɀo wakabvisa kuɗarika kweɗu kwose kure nesu. Sokunzwira tsitsi kwaɓaɓa ʋana ʋake, Saiɀoɀo Jehova unonzwira tsitsi ʋanomutya. Nokuti iye unoziʋa catakaitwa naco, Unoraŋgarira kuti tiri guruʋa.
Mapisarema 103:11-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)