Mapisarema 101:1-3
Mapisarema 101:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndichaimba nezvorudo rwenyu nokururamisira kwenyu; kwamuri, imi Jehovha, ndichaimba nziyo dzokurumbidza. Ndichangwarira kurarama upenyu husina chahungapomerwa. Muchauya riniko kwandiri? Ndichafamba mumba mangu nomwoyo usina chaungapomerwa. Handingaisi chinhu chakaipa pamberi pangu.
Mapisarema 101:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndichaimba ndichireva ngoni nokururama; Ndimi Jehovha wandichaimbira nziyo dzokurumbidza. Ndichaita zvose nokugwara panzira yakarurama; Haiwa, muchauya kwandiri riniko? Ndichafamba mumba mangu nomwoyo wakarurama. Handingavavariri chinhu chakaipa; Ndinovenga zvinoitwa navanotsauka; Hazvingandinamatiri.
Mapisarema 101:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndichaimba nezvokutendeka uye nezvoruenzaniso, ndichaimbira imi TENZI. Ndichangwaririra mufambiro wakarurama. Ko imi muchauyawo kwandiri rini? Ini ndichafamba nomwoyo wakatendeka mumba mangu. Ndicharega kutarisa chose chinenge chakashata; zvose zvinoitwa navanenge vafuratira Mwari, ndichazvivenga. Handidi kuva nei nazvo.
Mapisarema 101:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndicaimba ndicireʋa ŋgoni nokururama; Ndimi Jehova wandicaimbira nziyo dzokurumbidza. Ndicaita ɀose nokuŋgwara panzira yakarurama; Haiwa, mucaʋuya kwandiri riniko? Ndicafamba mumba maŋgu nomŋoyo wakarurama. Handiŋgaʋaʋariri cinhu cakaipa; Ndinoʋeŋga ɀinoitwa naʋanotsauka; Haɀiŋgandinamatiri.
Mapisarema 101:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)