Mapisarema 1:1-6
Mapisarema 1:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akaropafadzwa munhu asingafambi panorangana vakaipa, asingamiri panzira yavatadzi, asingagari pachigaro chavadadi. Asi anofarira murayiro waJehovha, uye anofungisisa murayiro wake masikati nousiku. Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, uye mashizha awo haasvavi. Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka. Vakaipa havana kudaro! Vakafanana nehundi inopepereswa nemhepo. Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongwa, kana vatadzi paungano yavakarurama. Nokuti Jehovha anotarira nzira yavakarurama, asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.
Mapisarema 1:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akakomborerwa munhu asingafambi panorangana vakaipa, Asingamiri panzira yavatadzi, Asingagari panogara vadadi. Asi anofarira murayiro waJehovha; Anofungisisa murayiro wake masikati nousiku. Achafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, Anobereka michero yawo nenguva yawo, Mashizha awo haasvavi; Chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika. Vakaipa havana kudaro; Asi vakafanana nehundi inopepereswa nemhepo. Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongeswa, Navatadzi paungano yavakarurama. Nokuti Jehovha anoziva nzira yavakarurama; Asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.
Mapisarema 1:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akakomborerwa munhu asingafambi panorangana vakaipa. Kana kuva munzira yavatadzi, kana kugara panogara vanonyomba, asi kuti anotofarira mutemo waTENZI uye anorangaririra mutemo waTENZI siku nesikati. Akaita somuti wakasimwa pamahombekombe erwizi unobereka muchero wawo panguva yawo uri muti usingauni mashizha. Zvose zvaanoita zvinobudirira. Asi hazvisirizvo zvakaita vakaipa, vakaita sehundi inopeperetswa nemhepo. Naizvozvo padare rokutongwa, vakaipa havapamiri uye vatadzi mugungano ravakarurama havamumiri. Nokuti TENZI ane hanya nenzira yavakarurama asi nzira yavakaipa ichaparara.
Mapisarema 1:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakakomborerwa munhu usiŋgafambi panoraŋgana ʋakaipa, Usiŋgamiri panzira yaʋatadzi, Usiŋgagari panogara ʋaɗaɗi. Asi unofarira murairo waJehova; Unofuŋgisisa murairo wake masikati noʋusiku. Ucafanana nomuti wakasimŋa pahoʋa dzemvura, Unoɓereka micero yawo neŋguʋa yawo, Mashizha awo haaȿaʋi; Cinhu cipi necipi caanoita cicaendika. Ʋakaipa haʋana‐kuɗaro; Asi ʋakafanana nehundi inopepereswa nemhepo. Naiɀoɀo ʋakaipa haʋaŋgamiri pakutoŋgeswa, Naʋatadzi paʋuŋgano yaʋakarurama. Nokuti Jehova unoziʋa nzira yaʋakarurama; Asi nzira yaʋakaipa icaparadzwa.
Mapisarema 1:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)