Mapisarema 1:1-3
Mapisarema 1:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akaropafadzwa munhu asingafambi panorangana vakaipa, asingamiri panzira yavatadzi, asingagari pachigaro chavadadi. Asi anofarira murayiro waJehovha, uye anofungisisa murayiro wake masikati nousiku. Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, uye mashizha awo haasvavi. Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka.
Mapisarema 1:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akakomborerwa munhu asingafambi panorangana vakaipa, Asingamiri panzira yavatadzi, Asingagari panogara vadadi. Asi anofarira murayiro waJehovha; Anofungisisa murayiro wake masikati nousiku. Achafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, Anobereka michero yawo nenguva yawo, Mashizha awo haasvavi; Chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.
Mapisarema 1:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akakomborerwa munhu asingafambi panorangana vakaipa. Kana kuva munzira yavatadzi, kana kugara panogara vanonyomba, asi kuti anotofarira mutemo waTENZI uye anorangaririra mutemo waTENZI siku nesikati. Akaita somuti wakasimwa pamahombekombe erwizi unobereka muchero wawo panguva yawo uri muti usingauni mashizha. Zvose zvaanoita zvinobudirira.
Mapisarema 1:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakakomborerwa munhu usiŋgafambi panoraŋgana ʋakaipa, Usiŋgamiri panzira yaʋatadzi, Usiŋgagari panogara ʋaɗaɗi. Asi unofarira murairo waJehova; Unofuŋgisisa murairo wake masikati noʋusiku. Ucafanana nomuti wakasimŋa pahoʋa dzemvura, Unoɓereka micero yawo neŋguʋa yawo, Mashizha awo haaȿaʋi; Cinhu cipi necipi caanoita cicaendika.
Mapisarema 1:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)