Zvirevo 9:1-6
Zvirevo 9:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uchenjeri hwakavaka imba yahwo; hwakaveza mbiru dzahwo nomwe. Hwakabika nyama yahwo; uye hukagadzira waini yahwo; hwakagadzirawo tafura yahwo. Hwakatuma varandakadzi vahwo, uye hunodanidzira kubva panzvimbo yakakwirira kwazvo yeguta. Kuna avo vanoshayiwa njere hunoti, “Vose vasina uchenjeri ngavauye muno! Uyai, mudye zvokudya zvangu munwe waini yandagadzira. Siyai nzira dzenyu dzisina mano mugorarama; fambai munzira yokunzwisisa.
Zvirevo 9:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Uchenjeri hwakavaka imba yahwo; Hwakaveza mbiru dzahwo nomwe; Hwakabaya zvipfuwo zvahwo; Hwakavenganisa waini yahwo; Hwakagadzirawo tafura yahwo. Hwakatuma varandakadzi vahwo; hunodanidzira pamitunhu yeguta, huchiti, “Asina mano ngaatsaukire muno;” Asina njere, hunoti kwaari, “Uyai mudye chingwa changu, Munwe waini yandakavhenganisa. Regai kusasvinuka murarame; Mufambe nenzira yenjere.”
Zvirevo 9:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ungwaru hwakazvivakira imba, hwakazvivezera misimboti minomwe. Hwabaya zvibayiro zvahwo, hwasanganisa waini yahwo uye hwagadzira tafura yahwo. Hwatuma vasikana vahwo vebasa kundokokera vari panzvimbo dzakakwirira dzeguta. Kana uri munhuwo zvako tsaukira nepano kumunhu wose asina mano hunoti kwauri, “Uyai mudye chingwa changu munwe waini yandasanganisa. Siyanai nokusanzwisisa murarame mutevere nzira inoratidza kunzwisisa.”
Zvirevo 9:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋucenjeri bgakaʋaka imba yabgo; Bgakaʋeza mbiru dzabgo nomŋe; Bgakaɓaya ɀipfuwo ɀabgo; Bgakaveŋganisa waini yabgo; Bgakagadzira ʋo tafura yabgo. Bgakatuma ʋarandakadzi ʋabgo; Ʋunoɗanidzira pamitunhu yeguta, ʋuciti: Usinamano ŋgaatsaukire muno; Usinenjere ʋunoti kwaari: Ʋuyai mudye ciŋgwa caŋgu, Munwe waini yandakaveŋganisa. Regai kusaȿinuka, murarame; Mufambe nenzira yenjere.
Zvirevo 9:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)