Zvirevo 7:1-4
Zvirevo 7:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwanakomana wangu, chengeta mashoko angu ugoviga mirayiro yangu mauri. Chengeta mirayiro yangu ugorarama; uchengete dzidziso dzangu semboni yeziso rako. Uzvisungirire paminwe yako; uzvinyore pahwendefa yomwoyo wako. Uti kuuchenjeri, “Uri hanzvadzi yangu,” uye uti kunzwisisa ndiyo hama yako
Zvirevo 7:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwanakomana wangu, chengeta mashoko angu, Viga mirairo yangu kwauri. Chengeta mirairo yangu, urarame; Nomurau wangu semboni yeziso rako. Uzvisungire paminwe yako; Uzvinyore pahwendefa romwoyo wako. Uti kuuchenjeri, “Ndiwe hanzvadzi yangu; Utumidze njere shamwari yako;”
Zvirevo 7:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwanangu, chengetedza mashoko angu upfimbike mitemo yangu mauri. Chengeta mitemo yangu urarame chengeta mirao yangu semboni yeziso rako. Isungirire paminwe yako. Inyore pakafendefa kemwoyo wako, iti kuungwaru, “Uri hanzvadzi yangu.” Kunzwisisa ukuti, “Ndiwe shamwari yangu yapamwoyo.”
Zvirevo 7:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋanakomana waŋgu, ceŋgeta mashoko aŋgu, Ʋiga mirairo yaŋgu kwauri. Ceŋgeta mirairo yaŋgu, urarame; Nomurau waŋgu semboni yeziso rako. Uɀisuŋgire paminwe yako; Uɀinyore pahwendefa romŋoyo wako. Uti kuʋucenjeri: Ndiwe hanɀadzi yaŋgu; Utumidze njere shamŋari yako
Zvirevo 7:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)