Zvirevo 4:7-9
Zvirevo 4:7-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uchenjeri chinhu chikuru; naizvozvo wana uchenjeri. Kunyange huchikutorera zvose zvaunazvo, wana kunzwisisa. Uhukudze; ipapo huchakusimudzira; uhumbundikire, ipapo huchakukudza. Huchakupfekedza chishongo chenyasha mumusoro mako, uye huchakupa korona yokubwinya.”
Zvirevo 4:7-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Uchenjeri chinhu chikuru kune zvose; saka uzviwanire uchenjeri; Uzviwanire njere nezvose zvaunazvo. Uhukudze, hugokukwiridza iwe; Huchakuvigira kukudzwa, kana uchihumbundikira. Huchapa musoro wako chishongo chakanaka; Huchakuisira korona inobwinya.”
Zvirevo 4:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chinhu chokutanga paungwaru, wana ungwaru. Pana zvose zvaungawane wana kunzwisisa.” Huremekedze zvikuru ihwo huchakusimudzira kana ukahumbundira. Hunokudzika tsungare yamaruva mumusoro hugokugadza ndaza yakanaka.
Zvirevo 4:7-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋucenjeri cinhu cikuru kuneɀose; saka uɀiwanire ʋucenjeri; Uɀiwanire njere neɀose ɀaunaɀo. Uʋukudze, ʋugokukwiridza iwe; Ʋucakuʋigira kukudzwa, kana uciʋumbundikira. Ʋucapa musoro wako cishoŋgo cakanaka; Ʋucakuisira korona inobginya.
Zvirevo 4:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Chinhu chokutanga paungwaru, wana ungwaru. Pana zvose zvaungawane wana kunzwisisa.” Huremekedze zvikuru ihwo huchakusimudzira kana ukahumbundira. Hunokudzika tsungare yamaruva mumusoro hugokugadza ndaza yakanaka.