Zvirevo 31:10-12
Zvirevo 31:10-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mudzimai ane unhu hwakanaka ndiani angamuwana? Mutengo wake unopfuura nokure matombo anokosha emarubhi. Murume wake anovimba naye zvizere, uye haana chaanoshayiwa chinokosha. Anoitira murume wake zvakanaka, kwete zvakaipa, mazuva ose oupenyu hwake.
Zvirevo 31:10-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndianiko angawana mukadzi anozviita zvakanaka? Nokuti mutengo wake unokunda kwazvo mutengo wamaparera. Mwoyo womurume wake unomutenda, Naiye haangashaiwi pfuma. Unoitira murume wake zvakanaka, haamuitiri zvakaipa Mazuva ose oupenyu hwake.
Zvirevo 31:10-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndiani zvake akawana mukadzi wakanaka anokosha zvikuru kupinda zvishongo. Mwoyo womurume wake unovimba naye. Haashaye chaanowana. Anomuitira zvakanaka kwete zvakaipa mazuva ose oupenyu hwake.
Zvirevo 31:10-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndianiko uŋgawana mukadzi unoita ɀakanaka? Nokuti muteŋgo wake unokunda kwaɀo muteŋgo wamaparera. Mŋoyo womurume wake unomutenda, Naiye haaŋgashaiwi fuma. Unoitira murume wake ɀakanaka, haamuitiri ɀakaipa Mazuʋa ose oʋupenyu bgake.