Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 30:21-23 - Compare All Versions

Zvirevo 30:21-23 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“Nyika inodedera nokuda kwezvinhu zvitatu, zvinhu zvina zvaisingadi kuona: muranda anozova mambo, benzi rine zvokudya zvizhinji, mukadzi akaroorwa asi asingadiwi, nomurandakadzi anotorera vatenzi vake murume.

Pakurirana nevamwe
Zvirevo 30 BDSC

Zvirevo 30:21-23 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Nyika inodedera nokuda kwezvinhu zvitatu; Uye nokuda kwezvina zvaisingadi kuona; Nokuda kwomuranda kana achizova mambo; Nokuda kwebenzi, kana raguta zvokudya; Nokuda kwomukadzi arambwa, kana azowanikwa; Uye mushandiri, kana azova mugari wenhaka yatenzi wake.

Pakurirana nevamwe
Zvirevo 30 SNA2002

Zvirevo 30:21-23 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Kune zvinhu zvitatu zvinodengenyesa nyika kutosvika zvina zvaisingagoni kutirira zvinoti: Muranda anova mambo, benzi kana raguta, mukadzi asingadiwe azowana murume uye kana musikana webasa akatsiva amai vemba.

Pakurirana nevamwe
Zvirevo 30 SCLBD

Zvirevo 30:21-23 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Nyika inoɗeɗera nokuɗa kweɀinhu ɀitatu; Ʋuye nokuɗa kweɀinna ɀaisiŋgaɗi kuʋona: Nokuɗa kwomuranda kana acizoʋa mambo; Nokuɗa kweɓenzi, kana raguta ɀokudya; Nokuɗa kwomukadzi warambga, kana azowanikwa; Ʋuye mushandiri, kana azoʋa mugari wenhaka yatenzi wake.

Pakurirana nevamwe
Zvirevo 30 SUB1949

Zvirevo 30:21-23 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Kune zvinhu zvitatu zvinodengenyesa nyika kutosvika zvina zvaisingagoni kutirira zvinoti: Muranda anova mambo, benzi kana raguta, mukadzi asingadiwe azowana murume uye kana musikana webasa akatsiva amai vemba.

Pakurirana nevamwe
Zvirevo 30 SCLB