Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 30:18-33

Zvirevo 30:18-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvinhu zvitatu zviriko zvinondishamisa, Zvirokwazvo zvina, zvandisingazivi, zvinoti: Kufamba kwegondo mudenga; Kufamba kwenyoka paruware; Kufamba kwechikepe pakati pegungwa; Nokufamba kwomurume nomusikana. Ndizvo zvakaita kufamba kwomukadzi woupombwe; Anodya, ndokupisika muromo wake, Achiti, “Handina kuita chinhu chakaipa.” Nyika inodedera nokuda kwezvinhu zvitatu; Uye nokuda kwezvina zvaisingadi kuona; Nokuda kwomuranda kana achizova mambo; Nokuda kwebenzi, kana raguta zvokudya; Nokuda kwomukadzi arambwa, kana azowanikwa; Uye mushandiri, kana azova mugari wenhaka yatenzi wake. Zvinhu zvina zviriko panyika zviduku hazvo, Asi zvakachenjera kwazvo, zvinoti; Mujuru, rudzi rusine simba harwo; Kunyange zvakadaro anounganidza zvokudya zvawo muzhizha; Mbira, rudzi rusine simba harwo, Kunyange zvakadaro dzinoita imba yadzo mumatombo; Mhashu hadzina mambo, Kunyange zvakadaro dzinofamba zvakanaka dzichiita mapoka; Chipfira ungachibata namaoko ako, Kunyange zvakadaro chiri mudzimba dzamadzimambo. Zvinhu zvitatu zviriko zvinokufamba kunokudzwa, Zvirokwazvo zvina zvinokufamba kunokudzwa, zvinoti: Shumba, mhare pakati pemhuka dzose, Isingatizi mhuka ipi neipi; Nemhuka ine zviuno zakasimba, nenhongo yembudzi; Namambo kana anavarwi vake. Kana uchinge waita noupenzi, wazvikudza, Kana zvimwe warangarira zvakashata, Pfumbira muromo wako. Nokuti mukaka warozva anobudisa mafuta, Nemhino dzadzvinyiwa dzinobudisa ropa, Saizvozvo hasha dzvavambwa dzinobudisa kukakavara.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 30

Zvirevo 30:18-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀinhu ɀitatu ɀiri’ko ɀinondishamisa, Ɀirokwaɀo ɀinna, ɀandisiŋgaziʋi, ɀinoti: Kufamba kwegondo muɗeŋga; Kufamba kwenyoka paruware; Kufamba kwecikepe pakati peguŋgwa; Nokufamba kwomurume nomusikana. Ndiɀo ɀakaita kufamba kwomukadzi woʋupombge; Unodya, ndokupisika muromo wake, Aciti: Handina‐kuita cinhu cakaipa. Nyika inoɗeɗera nokuɗa kweɀinhu ɀitatu; Ʋuye nokuɗa kweɀinna ɀaisiŋgaɗi kuʋona: Nokuɗa kwomuranda kana acizoʋa mambo; Nokuɗa kweɓenzi, kana raguta ɀokudya; Nokuɗa kwomukadzi warambga, kana azowanikwa; Ʋuye mushandiri, kana azoʋa mugari wenhaka yatenzi wake. Ɀinhu ɀinna ɀiri’ko panyika ɀiɗuku haɀo, Asi ɀakacenjera kwaɀo, ɀinoti: Mujuru, rudzi rusinesimba harwo; Kunyaŋge ɀakaɗaro unoʋuŋganidza ɀokudya ɀawo muzhezha; Mbira, rudzi rusinesimba harwo, Kunyaŋge ɀakaɗaro dzinoita imba yadzo mumatombo; Mhashu hadzinamambo, Kunyaŋge ɀakaɗaro dzinofamba ɀakanaka dziciita mapoka; Cipfira uŋgaciɓata namaʋoko ako, Kunyaŋge ɀakaɗaro ciri mudzimba dzamadzimambo. Ɀinhu ɀitatu ɀiri’ko ɀinokufamba kunokudzwa, Ɀirokwaɀo ɀinna ɀinokufamba kunokudzwa, ɀinoti: Shumba, mhare pakati pemhuka dzose, Isiŋgatizi mhuka ipi neipi; Nemhuka ineɀiʋuno ɀakasimba, nenhoŋgo yembudzi; Namambo kana anaʋarwi ʋake. Kana uciŋge waita noʋupenzi, waɀikudza, Kana ɀimŋe waraŋgarira ɀakashata, Fumbira muromo wako. Nokuti mukaka waroɀwa unoɓuɗisa mafuta, Nemhino dzadɀinyiwa dzinoɓuɗisa ropa, Saiɀoɀo hasha dzaʋambga dzinoɓuɗisa kukakaʋara.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 30