Zvirevo 30:18-33
Zvirevo 30:18-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Pane zvinhu zvitatu zvinondishamisa kwazvo, zvina zvandisinganzwisisi, zvinoti: nzira yegondo riri mudenga, nenzira yenyoka paruware, nenzira yechikepe pagungwa, uye nzira yomurume ane musikana. “Iyi ndiyo nzira yomukadzi chifeve: Anodya agopukuta muromo wake uye agoti, ‘Hapana chinhu chakaipa chandaita ini.’ “Nyika inodedera nokuda kwezvinhu zvitatu, zvinhu zvina zvaisingadi kuona: muranda anozova mambo, benzi rine zvokudya zvizhinji, mukadzi akaroorwa asi asingadiwi, nomurandakadzi anotorera vatenzi vake murume. “Panyika pane zvinhu zvina zvidiki, asi zvakachenjera kwazvo: Masvosve zvipuka zvine simba duku asi anounganidza zvokudya zvawo muzhizha: mbira zvipuka zvisina simba guru, asi dzinoita imba yadzo mumatombo; mhashu hadzina mambo, asi dzinofamba pamwe chete mumapoka adzo; dzvinyu rinogona kubatwa namaoko, asi rinowanikwa mumizinda yamadzimambo. “Kune zvinhu zvitatu zvino kufamba kunokudzwa kwazvo, zvina zvino kufamba kunokudzwa kwazvo; shumba, ine simba pakati pezvikara, isingadududzi pamberi pechikara chipi zvacho; mafambiro okuzvikudza ejongwe, nenhongo yembudzi, uye namambo akakomberedzwa navarwi vake. “Kana uchinge waita upenzi nokuzvirumbidza pachako, kana kuti waronga zvakaipa, bata muromo wako noruoko rwako! Nokuti somukaka warozva unobudisa ruomba, uye sokudzvinyirira mhino kunobudisa ropa, nokudaro kumutsa hasha kunobudisa kukakavara.”
Zvirevo 30:18-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvinhu zvitatu zviriko zvinondishamisa, Zvirokwazvo zvina, zvandisingazivi, zvinoti: Kufamba kwegondo mudenga; Kufamba kwenyoka paruware; Kufamba kwechikepe pakati pegungwa; Nokufamba kwomurume nomusikana. Ndizvo zvakaita kufamba kwomukadzi woupombwe; Anodya, ndokupisika muromo wake, Achiti, “Handina kuita chinhu chakaipa.” Nyika inodedera nokuda kwezvinhu zvitatu; Uye nokuda kwezvina zvaisingadi kuona; Nokuda kwomuranda kana achizova mambo; Nokuda kwebenzi, kana raguta zvokudya; Nokuda kwomukadzi arambwa, kana azowanikwa; Uye mushandiri, kana azova mugari wenhaka yatenzi wake. Zvinhu zvina zviriko panyika zviduku hazvo, Asi zvakachenjera kwazvo, zvinoti; Mujuru, rudzi rusine simba harwo; Kunyange zvakadaro anounganidza zvokudya zvawo muzhizha; Mbira, rudzi rusine simba harwo, Kunyange zvakadaro dzinoita imba yadzo mumatombo; Mhashu hadzina mambo, Kunyange zvakadaro dzinofamba zvakanaka dzichiita mapoka; Chipfira ungachibata namaoko ako, Kunyange zvakadaro chiri mudzimba dzamadzimambo. Zvinhu zvitatu zviriko zvinokufamba kunokudzwa, Zvirokwazvo zvina zvinokufamba kunokudzwa, zvinoti: Shumba, mhare pakati pemhuka dzose, Isingatizi mhuka ipi neipi; Nemhuka ine zviuno zakasimba, nenhongo yembudzi; Namambo kana anavarwi vake. Kana uchinge waita noupenzi, wazvikudza, Kana zvimwe warangarira zvakashata, Pfumbira muromo wako. Nokuti mukaka warozva anobudisa mafuta, Nemhino dzadzvinyiwa dzinobudisa ropa, Saizvozvo hasha dzvavambwa dzinobudisa kukakavara.
Zvirevo 30:18-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pane zvinhu zvitatu zvinondishamisa kwazvo zvinotosvika zvina zvandisinganzwisisi, zvinoti: Nzira yegondo mudenga nzira yenyoka paruware nzira yechikepe mugungwa guru maitiro omurume nomusikana. Ndizvo zvinoita pfambi inodya yopukuta muromo yoti hapana kutadza kwandaita. Kune zvinhu zvitatu zvinodengenyesa nyika kutosvika zvina zvaisingagoni kutirira zvinoti: Muranda anova mambo, benzi kana raguta, mukadzi asingadiwe azowana murume uye kana musikana webasa akatsiva amai vemba. Pane zvinhu zvina panyika zvidiki zvazvo asi zvina ungwaru, ndezvizvi zvinoti: Masvosve rudzi rusina simba asi anozviunganidzira chokudya pazhizha. Mbira hadzisi rudzi rune simba asi dzinoita misha yadzo mumabwe. Mhashu hadzina mambo asi dzinofamba dzakaita rundaza. Unogona kubata dzvinyu muruoko asi woriwana riri mumuzinda wamambo. Kune zvinhu zvitatu zvinozvidadisa pakufamba kutosvika zvina zvinozvikakanyadza kunoti shumba ine simba kupinda dzimwe mhuka isina yainozeza kwouya jongwe rinokekeredzera, kwotiwo gotora namambo ana varwi vake. Kana wakaita upenzi hokuzvitutumadza kana une twawanga uchironga twakaipa bata muromo wako. Kusvina mukaka kunowanisa ruomba kudzvanya mhuno kunobudisisa ropa, saizvozvo kudzvikinyidza hasha kunomutsa gakava.
Zvirevo 30:18-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀinhu ɀitatu ɀiri’ko ɀinondishamisa, Ɀirokwaɀo ɀinna, ɀandisiŋgaziʋi, ɀinoti: Kufamba kwegondo muɗeŋga; Kufamba kwenyoka paruware; Kufamba kwecikepe pakati peguŋgwa; Nokufamba kwomurume nomusikana. Ndiɀo ɀakaita kufamba kwomukadzi woʋupombge; Unodya, ndokupisika muromo wake, Aciti: Handina‐kuita cinhu cakaipa. Nyika inoɗeɗera nokuɗa kweɀinhu ɀitatu; Ʋuye nokuɗa kweɀinna ɀaisiŋgaɗi kuʋona: Nokuɗa kwomuranda kana acizoʋa mambo; Nokuɗa kweɓenzi, kana raguta ɀokudya; Nokuɗa kwomukadzi warambga, kana azowanikwa; Ʋuye mushandiri, kana azoʋa mugari wenhaka yatenzi wake. Ɀinhu ɀinna ɀiri’ko panyika ɀiɗuku haɀo, Asi ɀakacenjera kwaɀo, ɀinoti: Mujuru, rudzi rusinesimba harwo; Kunyaŋge ɀakaɗaro unoʋuŋganidza ɀokudya ɀawo muzhezha; Mbira, rudzi rusinesimba harwo, Kunyaŋge ɀakaɗaro dzinoita imba yadzo mumatombo; Mhashu hadzinamambo, Kunyaŋge ɀakaɗaro dzinofamba ɀakanaka dziciita mapoka; Cipfira uŋgaciɓata namaʋoko ako, Kunyaŋge ɀakaɗaro ciri mudzimba dzamadzimambo. Ɀinhu ɀitatu ɀiri’ko ɀinokufamba kunokudzwa, Ɀirokwaɀo ɀinna ɀinokufamba kunokudzwa, ɀinoti: Shumba, mhare pakati pemhuka dzose, Isiŋgatizi mhuka ipi neipi; Nemhuka ineɀiʋuno ɀakasimba, nenhoŋgo yembudzi; Namambo kana anaʋarwi ʋake. Kana uciŋge waita noʋupenzi, waɀikudza, Kana ɀimŋe waraŋgarira ɀakashata, Fumbira muromo wako. Nokuti mukaka waroɀwa unoɓuɗisa mafuta, Nemhino dzadɀinyiwa dzinoɓuɗisa ropa, Saiɀoɀo hasha dzaʋambga dzinoɓuɗisa kukakaʋara.
Zvirevo 30:18-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)