Zvirevo 29:1-9
Zvirevo 29:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munhu anoramba akaomesa mutsipa wake mushure mokutsiurwa kazhinji achaparadzwa nokukurumidza, kusina chingamubatsira. Kana vakarurama vachiwanda, vanhu vanofara; asi kana vakaipa vachitonga, vanhu vanogomera. Munhu anoda uchenjeri anouyisa mufaro kuna baba vake, asi anoshamwaridzana nechifeve anoparadza pfuma yake. Nokururamisira mambo anosimbisa nyika, asi uyo anokara fufuro anoiparadza. Ani naani anonyengera muvakidzani wake anodzikira tsoka dzake mumbure. Munhu akaipa anoteyiwa nezvivi zvake, asi munhu akarurama anogona kuimba uye agofara. Vakarurama vane hanya nokururamisirwa kwavarombo, asi vakaipa havana hanya naizvozvo. Vatuki vanomutsa bope muguta, asi vanhu vakachenjera vanodzora kutsamwa. Kana munhu akachenjera akaenda kumatare nebenzi, benzi rinotsamwa uye rigotuka, zvokuti hapangavi norugare.
Zvirevo 29:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munhu akarairwa kazhinji, achiomesa mutsipa wake, Achaparadzwa pakarepo, kusina chingamubatsira. Kana vakarurama vowanda, vanhu vanofara; Asi kana munhu wakaipa achibata ushe, vanhu vanogomera. Ani naani anoda uchenjeri, anofadza baba vake; Asi anoshamwaridzana nezvipfeve, anorasha pfuma yake. Mambo anosimbisa nyika yake nokururamisa; Asi munhu wemitero, anoiparadza. Munhu anobata wokwake kumeso, Anodzikira tsoka dzake mumbure. Pakudarika kwomunhu akashata pano musungo; Asi wakarurama achaimba nokufara kwazvo. Akarurama anoziva kururamisira mhaka dzavarombo; Asi akaipa haanzwisisi zivo. Vadadi vanopisira guta; Asi vakachenjera vanodzora kutsamwa. Kana munhu akarurama ane mhaka nebenzi, Iye achatsamwa nokuseka, asi hakungavi nezororo.
Zvirevo 29:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu anotsiurwa kakawanda asinganzwi, achayerekana atyoka zvisingarapiki. Kana varurami vari ivo vari kutonga vanhu vanofara asi kana vaipi vari ivo varikutonga vanhu vanodemba. Munhu anoda ungwaru anoita kuti baba vafare asi anoita ushamwari nezvifeve anozviparadzira upfumi hwake. Mambo akatonga noruenzaniso nyika inogarika asi anopopera zvipo anoiparadza. Munhu anobata mumwe wake kumeso ari kutomuteya tsoka nemambure. Muipi anoteyewa nechakaipa chake asi mururami anoimba achifara. Mururami anoziva zvinokodzera kuitirwa varombo asi akaipa haanzwisisi izvozvo. Vashori vanonyandutsa guta asi vangwaru vanopodza hasha. Kana mungwaru akaitirana nharo, nebenzi, benzi rinopengereka richiseka-seka, hapaiti runyararo.
Zvirevo 29:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munhu wakarairwa kazhinji, aciwomesa mutsipa wake, Ucaparadzwa pakarepo, kusina‐ciŋgamuɓatsira. Kana ʋakarurama ʋowanda, ʋanhu ʋanofara; Asi kana munhu wakaipa aciɓata ʋushe, ʋanhu ʋanogomera. Aninani unoɗa ʋucenjeri, unofadza ɓaɓa ʋake; Asi unoshamŋaridzana neɀifeʋe, unorasha fuma yake. Mambo unosimbisa nyika yake nokururamisa; Asi munhu wemitero, unoiparadza. Munhu unoɓata wokwake kumeso, Unodzikira tsoka dzake mumbure. Pakuɗarika kwomunhu wakashata panomusuŋgo; Asi wakarurama ucaimba nokufara kwaɀo. Wakarurama unoziʋa kururamisira mhaka dzaʋarombo; Asi wakaipa haanzwisisi ziʋo. Ʋaɗaɗi ʋanopisira guta; Asi ʋakacenjera ʋanodzora kutsamŋa. Kana munhu wakarurama anemhaka neɓenzi, Iye ucatsamŋa nokuseka, asi hakuŋgaʋi nezororo.
Zvirevo 29:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)