Zvirevo 24:10-12
Zvirevo 24:10-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana ukapera simba panguva dzokutambudzika, simba rako ishoma sei! Nunurai avo vari kuiswa kurufu; dzosai avo vari kudzedzereka vachienda kundourayiwa. Asi kana mukati, “Hapana zvataiziva pamusoro paizvozvi?” Ko, iye anoyera mwoyo haangazvioni here? Iye anorinda upenyu hwako haangazvizivi here? Haangaripire munhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita here?
Zvirevo 24:10-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kana ukapera simba nezuva rokutambudzika, Simba rako ishoma. Rwira vanoiswa kurufu; Novourawa usarega kuvadzosa. Kana ukati, “Tarirai, hatina kuzviziva;” Ko iye anoidza mwoyo, haazvioni here? Naiye anochengeta mweya wako, haazvizivi here? Ko iye haangapi mumwe nomumwe zvakaenzana nebasa rake here?
Zvirevo 24:10-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ukaora mwoyo pamusi wenhamo simba rako rinobva raita shoma. Nunura vanenge vachindundurutsirwa kurufu umise vanenge vachidzadzarikira kundourayiwa. Kana ukati, “Hatina kumbozviziva.” Ko iye anoona mwoyo haazvione here? Ko iye anokuchengeta haazvizivi here? Haape mumwe nomumwe maererano nezviito zvake here?
Zvirevo 24:10-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana ukapera simba nezuʋa rokutambudzika, Simba rako ishoma. Rwira ʋanoiswa kurufu; Noʋoʋurawa usarega kuʋadzosa. Kana ukati: Tarirai, hatina‐kuɀiziʋa; Ko iye unoidza mŋoyo, haaɀiʋoni here? Naiye unoceŋgeta mŋeya wako, haaɀiziʋi here? Ko iye haaŋgapi mumŋe nomumŋe seɀaakaɓata here?
Zvirevo 24:10-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)