Zvirevo 14:14-16
Zvirevo 14:14-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vasingatendi vachapiwa mubayiro wakazara wenzira dzavo, uye munhu akanaka achapiwa mubayiro wenzira dzakewo. Munhu asina mano anongotenda zvose zvose, asi munhu akangwara anongwarira mafambiro ake. Munhu akachenjera anotya Jehovha uye anovenga zvakaipa, asi benzi rina manyawi uye harina hanya.
Zvirevo 14:14-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ano mwoyo, anodzokera shure, achagutiswa nenzira dzake; Asi munhu akanaka achagutiswa nezvinobva maari. Asina mano anotenda mashoko ose; Asi akangwara anongwarira mafambiro ake. Akachenjera anotya zvakashata, achizvinzvenga; Asi benzi rina manyawi, richizvitenda.
Zvirevo 14:14-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu wakaipa achazadzwa nomubayiro wezvaanoita wakanakawo nemichero yezviito zvake. Munhu asina pfungwa dzakadzama anongobvumira zvose zvose asi munhu wakangwara anotarisa paanotsika. Mungwaru anochenjerera zvinhu uye anonzvenga zvakaipa asi benzi rinozviita suku nasai, harikendenge.
Zvirevo 14:14-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Unomŋoyo, unodzokera shure, ucagutiswa nenzira dzake; Asi munhu wakanaka ucagutiswa neɀinobva maari. Usina mano unotenda mashoko ose; Asi wakaŋgwara unoŋgwarira mafambiro ake. Wakacenjera unotya ɀakashata, aciɀinɀeŋga; Asi ɓenzi rinamanyawi, riciɀitenda.
Zvirevo 14:14-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)